Mwana odzinga baba pamusha

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mwana odzinga  baba pamusha

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MURUME wekuEpworth anoti akadzingwa sembwa pamba pake nemwana wemudzimai wake achibatsirana naamai vake.

Aleck Mazibuko akamhan’arira Tinashe Koroka kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Mazibuko anoti Koroka mwana wemudzimai wake uye anomushungurudza.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mazibuko gwaro rinomuchengetedza.“Uyu haasi mwana wangu asi kuti wemukadzi. Mukomana uyu akandidzinga pamba pangu achibatsirana naamai vake. Izvozvi ari kugara pasitendi pangu.

“Ndakaudza amai vake kuti abve pamba pangu nekuti aisandiona sababa. Ndaiti ndikamutuma aitaura kuti anongoita zvaanenge atumwa naamai vake chete,” anodaro Mazibuko.

Anoenderera mberi achiti, “Mwana uyu akandiudza kuti December haapere asati apedzerana neni uye amai vake vakandiudzazve kuti ndichafira mujeri. Ndinoona sekunge vairevesa nekuti baba vake nababa vemukoma wake vakangopera kufa. Saka handichaziva kuti zviri kureva kuti ini ndofawo here? Ndakanomhan’ara kumapurisa vakanzi vabve pamba asi vari kuramba.”

Mazibuko anoti amai vaKoroka vakamuramba.

“Ndine kwandiri kugara. Amai vake vakandiramba pedzezvo izvi zvoitika. Handina mwana asi zviri kutondirwadza kuti ndiri kutambura ini ndine imba yangu.

“Ndiri kushupika kana nechekupfeka chaicho nekuti hembe ndakadzisiya pamwechete nemacertificate angu nematurusi. Dai dare randibatsira amiswa zvaari kuita uye abve pamba pangu,” anodaro.

Koroka anoti anopokana nechikumbiro chaMazibuko kudare achiti imba iri kutaurwa nezvayo ndeyaamai vake zvakare.

“Imba yacho yavari kunetsera haisi yavo vega, ndeyavo namhamha. Apa sitendi yacho iri kutonetsa, vakavakira panext pasiri pavo chaipo saka muridzi wepo akanditi ndigare hangu. Hapana akandidzinga, uye dai ndawanawo nguva yekuti nditsvage pamwe pekunogara,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links