Uncategorized

Mwana ofa, amai vomuviga vari voga

04 May, 2021 - 12:05 0 Views
Mwana ofa, amai vomuviga vari voga Asst Insp Dhliwayo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara mubhuku rekwaSika, kwaMambo Musana, kuBindura akasungwa nemapurisa eko achipomerwa kuviga mutumbi wemwana wake aive nemakore maviri okubereka ari oga sezvo paine fungidziro yekuti angangodaro akamuponda.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo, vanoti Portia Chovani (32) ndiye akasungwa nenyaya yekufa kwemwanasikana wake ainzi Tariro Gondo, ndokumuviga ari oga.

“Takasunga mudzimai anonzi Portia Chovani uyo akaviga mutumbi wemwanasikana wake aiva nemakore maviri ari oga. Pane kuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi paine fungidziro yekuti mudzimai uyu angangodaro aine chakaipa chaakaita kumwana wake kuti azofa, nekudaro ari mumaoko memapurisa nyaya iyi ichiferefetwa,” vanodaro.

Asst Insp Dhliwayo vanoti nemusi wa17 Kubvumbi nenguva dzekuma5 zuva rodoka, mapurisa epakamba yeRutope, kuShamva vakawana runyerekupe rwekuti kune mwanasikana aisaonekwa naamai vake ndokuzotanga kuferefeta.

“Mapurisa akanosvika pamusha pemudzimai uyu vakamubvunzurudza kuti mwana wake aive kupi iye akabva avanyepera kuti ainge ari kwaSabhuku Guwa, munzvimbo iyi. Mapurisa akaenda naye uko mwana uyu akanoshaikwa sekuvimbisa kwake.

“Vari ikoko, mudzimai uyu akasandura mashoko ndokuti mwana wake akanga arwara zvikuru kubva mukupera kwegore ra2020 akazoshaika pakati pemusi wa7 na8 Kubvumbi achibva anoviga mutumbi wake muguva risina kudzika mubani reko,” vanodaro mapurisa.

Mubani makavigwa mutumbi wemwana uyu ibindu risingashandiswe remumwe mugari wemunzvimbo iyi.

Chovani anonzi ari kuti akazosvika pazano rekuviga mutumbi uyu ari oga nekuda kwekuti vakuru vemumusha waanogara vakaramba kumupa nzvimbo yekuviga mutumbi wemwana wake.

“Anoti vakuru vemusha uyu vakaramba kumupa nzvimbo yekuviga mutumbi wemwana wake sezvo vachimuti muuyi. Nekudaro, akazochera chikomba chakadzika 50 cm umo akazofushira mutumbi wemwana wake ari oga, mubindu raTambudzai Motsi (43) wemumusha uyu,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Mukuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi, pari kubuda mashoko ekuti mwana akashaya uyu aiva nekwashu.

“Nyaya inonetsa ndeyekuti sei mudzimai uyu pasina vamwe vanhu vakaedza kuti vamubatsire kuviga mwana wake kana akafa nekurwara? Mukuferefetwa kwenyaya iyi, mapurisa akazonyorera kuti mutumbi wemwana uyu ufukunurwe nemusi wa18 Kubvumbi vakabvumidzwa ndokuufukunurwa musi wakare paina sabhuku wemusha uyu, VaBenard Sika. Mutumbi wakaendeswa kuchipatara cheBindura kuti unoongororwa.”

Asst Insp Dhliwayo vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira kuti pakaitika nhamo, vanhu vanofanirwa kubatsirana uyewo rufu harusi rwemunhu mumwe chete.”

Share This:

Sponsored Links