Mwana oparidza rudo nekuimba

27 Apr, 2023 - 08:04 0 Views
Mwana oparidza rudo nekuimba Maryllamah Jawad

Kwayedza

Abel Ndooka

KASIKANA kane makore 10 ekuberekwa – Maryllamah ‘Maryam’ Jawad – kakaburitsa dambarefu rako rekutanga rine nziyo nhanhatu dzinobata nyaya dzinosangana nevanhu munharaunda.

Dambarefu raMaryllamah rekutanga rinonzi Enlightener iro akaparura nguva pfupi yadarika achibatsirwa nababa vake, Umali Jawad, avo vanoitawo zvemimhanzi.

Muhurukuro, Maryllmah anoti akapinda mumhanzi nechinangwa chekuparidza rudo netsika nemagariro achiona kurarama kunoita vanhu vemunharaunda dzakasiyana.

Anotenda vabereki vake, kunyanya baba vake, avo vanomutsigira kuita zvemimhanzi panguva iyo vezera rake vanotarisirwa kunge vachiita zvechikoro chete.

“Nezera rangu, vazhinji vanotarisira kundiona ndichiita zvemabhuku kunyanya asi ini ndakaita rombo rakanaka rekuve nevabereki vanotsigira chipo changu chekuimba. Ndakwanisa kutsikisa dambarefu rangu rekutanga iro ndakabatsirwa nababa vangu.

“Chakandituma kupinda mune zvemimhanzi kuti ndigoparidza shoko rerudo ndidzidzise vanhu vane mazera akasiyana kugarisana mune zvakanaka munharaunda dzatinobva,” anodaro.

Maryllamah anokurudzira vabereki kuti vatsigire vana vavo vane zvipo zvakasiyana.

Maryllamah ‘Maryam’ Jawad aina baba vake Umali ‘Papah Jawah’ Jawad.

Anopa muenzaniso waTamy Moyo uyo akatanga kuimba achiri mudiki achitsigirwa zvakanyanya nevabereki vake.

“Ndinokurudzira vabereki kuti vatsigire zvipo zvevana nekuti zvipo izvi ndizvo zvichavachengeta mune remangwana.

“Ini ndinoyemura zvikuru Tamy Moyo akatanga zvemimhanzi achiri mudiki chaizvo uye aitsigirwa zvakanyanya nevabereki vake. Chionai nhasi ave nezita guru mune zvekuimba, isu vanasikana tinomuyemura uye tinodada kana tichiona paasvitswa netarenda rake rekuimba,” anodaro Maryllamah.

Nziyo dziri padambarefu raMaryllamah dzinoti Our Role Model, Zvakatanga Sekuseka, Musatongere Mwari, Papah Jawad, Vechidiki Tapera, Mainini naToimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey