Uncategorized

Mwana ‘wamisisi’ in’anga

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Mwana  ‘wamisisi’ in’anga Mbuya Klara vachitambidzwa doro rechivanhu naNorest Tadzungaira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

N’ANGA yemukadzi wechichena anova chizvarwa chekuPoland — iyo inosvikirwa nemudzimu watateguru wayo Shumba Masibanda — inoti yakauya muZimbabwe nechinangwa chekuti idyidzane nedzimwe n’anga dzemuno apo iri kudzidziswawo mishonga yechivanhu yemuno nezvainorapa.

Mbuya Klara Wojtkowska (31), avo vari kugara mumapako ari kumasango emugomo reBvopfo, kuNharira, pedyo neNorton, vanoti havanyare kutevedza chivanhu.

Mbuya Klara Wojtkowska vachiridza mbira vaine vamwe vavo.

“Ndinogara ndichiuya muZimbabwe, asi rwendo rwuno ndave kusvitsa masvondo mashanu ndiri muno uye handisati ndaziva kuti ndichadzokera rinhi.

“Ndiri kudzidza mashandiro evamwe vangu n’anga muno sezvo ini ndichisvikirwa natateguru vangu Shumba Masibanda. Mudzimu wangu uri kusimbiswa muno, ndiri kuitirwa mapira ekusimbiswa nekubviswa dzimwe mhepo dziri kutadzisa mudzimu uyu kushanda zvakanaka,” vanodaro Mbuya Wojtkowska.

Mukadzu uyu anoti ari kubatsirwa naVaJonathan Run’anga kana kuti Sekuru Samaita pamwe naVaChikonzero Chazunguza (50) avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Sinyoro nevamwe vavanogara navo mugomo reBvopfo.

Chiremba kana kuti “sangoma” wechichena uyu anoendwa naye mumasango kunochera mishonga yakasiyana, iyo yavanokuya nekudzvura sezvo achiti anoda kuzodzokera nayo kuPoland.

Mumakomo eNharira ndimo maigarwa nezvikiro Sekuru Botemupote Mushore homwe yacho isati yafa. Mumazuva avo, vainzi ndivo vaiva nemudzimu mukuru wevanhu vekwaNyamweda vemutupo weZuruvi kuMhondoro. Ndivozve vanonzi vakasiya vaita kuti Sekuru Sinyoro vachengetedze nzvimbo iyi.

Imba inogarwa nambuya Klara

N’anga yechichena iyi inoti inoita mimwe mishonga yekurotswa nekuoneswa zvinhu zvisati zvaitika.

“Vabereki vangu vose vapenyu – baba ndimazvikokota (professor) wemasvomhu. Vose variko kuPoland uye takaberekwa tiri vanomwe, ini ndiri wechishanu.

“Ndine madhigirii matatu anosanganisira reHistory neLiterature kubva kuYale University, kuUS. Izvozvi ndiri kudzidza chivanhu chemuAfrica,” vanodaro.

Pamusoro pazvo, Mbuya Wojtkowska vari kudzidzawo magariro evanhu vatema izvo vanoti zviri kupindirana zvikuru nechivanhu chiri pavari chekusvikirwa.

“Ndinoti vanhu havafanirwe kurasiswa chivanhu chavo nekuda kwekutevedzera zvavanoona muzvivhitivhiti nekunzwa munhepfenyuro, chivanhu chako chakakosha zvikuru nekuti ndicho chinokupa chiremerera,” vanodaro.

Vamwe vari kudzidzisana naMbuya Wojtkowska zvechivanhu ndiNorest Tadzungaira (28) naMutongerwa Goredema (47) avo vanononochera navo mishonga musango.

Varume vaviri ava vakawanikwa neKwayedza svondo rapera vachiratidza Mbuya Wojtkowska mishonga uye vanoti mudzimu wavo uri kusvika uine mbereka, nekudaro uchiri kugezeswa naSekuru Sinyoro naSekuru Samaita.

Sezvo paine musiyano pakati pekunyika kunobva Mbuya Wojtkowska nemuno, vanonzi vari kudzidziswa mishonga inoshandiswa zvakare pakupira midzimu, kuridza mbira nehosho, mabasa emakano nemabakatwa,  netsika dzakaita sekugara parukukwe.

Mbuya ava vanoti tsika dzemuZimbabwe dzinopa chimiro kuvanhu vemuno.

“Ndiri kuvaka kudyidzana pakati peZimbabwe nePoland patsika dzechivanhu nekuti nyika dzose idzi dzakapindirwa nevanoita zvechiKirisitu izvo zvisingafanirwe kukanganisa chivanhu. Chivanhu chedu ndiwo musimboti werudzi, hachifanirwe kufa,” vanodaro.

Mbuya Wojtkowska vanorumbidza nzira dzekuwanana kwevanhu muZimbabwe vachiti dzinobatanidza mhuri.

Mumakomo eBvopfo muri kuvakwa dzimba dzechivanhu dzemarudzi emuno akasiyana nemamwe ekuSouth Africa uye Mbuya Wojtkowska vari kugara mune imwe yedzimba idzi.

Mbuya Wojtkowska vanosvuta bute, kuridza mbira, kudya maputi kana kuti mhandire uye vakaratidza vatori venhau mishonga inosanganisira mbanda, zumbani, mumvee, shapa, jekamasasa, mutowa nemimwe yakawanda iyo yavanotsanangura zvainorapa.

Kwayedza yakanosvikawo nen’anga iyi murimwe bako rinoitirwa mitambo yechivanhu semikwerera mumakomo eNharira.

“Tinaye muyera Shumba uyu Masibanda. Anosvikirwa, ari kudzidzawo zvekuno mhepo dzichisangana uye zviya zvekuti vaRungu havasvikirwe munonyepa. Onaika anopfeka machira eretso nematema uye kana mudzimu wake wasvika, unotaura neChiRungu vanhu vachipirikira, uchitokumbira mbatya dzawo dzebasa. Anotoona matambudziko edu isu vatema,” anodaro Tadzungaira.

Mukadzi wechichena uyu anonzi anoenda kumapira anoitwa munharaunda achiperekedzwa nedzimwe n’anga.

Share This:

Sponsored Links