‘Mwana wangu imbavha’

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
BABA vekuti vaoneswa ndondo nekugara vachibirwa zvinhu zvinosanganisira DVD nemwanakomana wavo, vakazomukwirira kumatare edzimhosva vachiti havachadi kuti asvike pamba pavo.

Richard Manyora akakwidza Farai Manyora kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumubira uye kumushungurudza pamba pake.

“Mwana uyu andishungurudza changamire. Nyaya yakatangira pakuti akaba DVD rangu kumba ini ndisiko ndikatozoudzwa nemunin’ina wake kuti ndizvo zvaakaita. Ndakamubvunza akanditi anoridzosa asi kusvika pari zvino harina kudzoka. Ndikamubvunza anotondituka kana kuda kundirova achiti rakafa asi iye akaritora richishanda,” anodaro Richard.

“Ndakamukweretesa jecha rekuvakisa asi nanhasi haasati adzosa, ukamubvunza ototi ndinokurovai, musandibvunze. Pese paanouya kumba ndinotoshaya chinhu chete.

“Anogara nemukadzi wake asi ini handichadi kuti asvike kumba kwangu nekuti ndaneta nekushaya zvinhu zvangu nguva dzose,” anodaro.

Farai anoti hazviite kuti arambidzwe kusvika pamba pababa vake.

“Hazvigone kuti vandirambidze kusvika pamba apa nekuti pane takishopu nebhabhashopu zvangu. Ndipo panobva mari yekubhadhara imba yandinoroja. Ehe, DVD ndakatora asi harisi ravo, nderamhamha uye zvimwe zvese zvavataura ndezvekunyepa,” anodaro Farai.

Richard anobva amugamha achiti ndiye akatovaka takishopu nebhabhashopu iyi. “Ini ndini ndakazvivaka iye aiva ari mukanyi wedhaga, mari yacho yaanotora mutakishopu handina kana dhora randati ndambodya uye haangataure zvekuti DVD nderaamai ini nemukadzi wangu takachata! Saka iye ndiye ave kuda kutigovanisa zvinhu here? Anoriwanepi simba iroro?

“Haana kukwana mwana uyu changamire wangu, handidi kumuona pamba pangu chete,” vanodaro baba pamusoro pemwanakomana wavo.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vazodzoka kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links