Mwana wechikoro any’ura kuVic Falls

03 Sep, 2022 - 09:09 0 Views
Mwana wechikoro any’ura kuVic Falls Victoria Falls

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS

MUDZIDZI wepaHarare Polytechnic, Tapiwa Madembo, akany’ura mumvura apo aiedza kutuhwina paRest Camp iri kuVictoria Falls nemusi weChitatu manheru.

Madembo aive mumwe wevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro zvemuZimbabwe nemuAfrica avo vakapinda musangano weAfrican Youth Forum uyo wakaitwa sechikamu chemusangano weAssociation of Technical Universities and Polytechnics in Africa (ATUPA).

Gungano revechidiki reYouth Forum rakapera neChipiri.

Madembo anonzi akaenda kuRest Camp aine shamwari dzake neChitatu manheru apo akafunga zvekutuhwina zvisinei nekuti shamwari dzake dzakaedza kumurambidza kushambira husiku.

Munyori uno akaudzwa kuti mudzidzi uyu akany’ura mudziva uye kwapera chinguva, mumwe musikana wepakoreji iyi uyo asina kutaurwa zita rake, akasarudza kutevera, ndokuwana mutumbi wake uri mumvura.

Mukuru weHarare Polytechnic, Dr Tafadzva Mudondo, vanova zvakare mutevedzeri wasachigaro weATUPA mudunhu reSouthern Central, avo vari kuVictoria Falls, vanotsinhira nyaya iyi.

“Paitika chiitiko chisingafadzi. Zvinorwadza, zvinokatyamadza uye zvinopedza simba sezvo zvanga zvisingatarisirwi,” vakadaro Dr Mudondo.

Vanoti vakaudzwa kuti Madembo akafunga zvekutuhwina husiku, panova ndipo pakaitika tsaona iyi.

“Ndinokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekuedza kuita zvinhu zvavasingakwanisi nekuti zvinopa njodzi seiyi. Ngavatsvage mazano nedziviriro kubva kune vakuru vavo,” vakadaro Dr Mudondo.

Mutauriri wemapurisa kuMatabeleland North, Assistant Inspector Namatirai Mashona, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa.

Vanoti Madembo nevamwe vake vakaenda kudhamu kuma7pm uye kwapera maminitsi makumi matatu, anonzi akazovaudza kuti aida kutuhwina.

“Akabvisa mbatya dzake ndokupinda mudziva umo akatanga kutuhwina apo sahwira wake aingotarisa nhare yake. Gare gare shamwari yacho yakasarudza kumutarira sezvo aisanzwa kutaura kwake.

“Akashevedzera asi hapana akadaira uye paakazoongorora, akawana mutumbi uri mumvura wakatarisa mudenga,” vanodaro Assist Insp Mashona.

Sahwira uyo asina kuda kudomwa nezita akashevedzera kuti abatsirwe uye mutumbi waMadembo wakatorwa ndokuendeswa kuchipatara cheVictoria Falls Hospital. – @ncubeleo

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>