Mwana wechikoro ari kushaikwa

09 Jun, 2022 - 17:06 0 Views
Mwana wechikoro ari kushaikwa Insp Muzondo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kudunhu reManicaland vari kutsvaga mukomana ane makore 20 ekuberekwa nemhosva yaari kupomerwa yekupaza uye kuba pachikoro cheSt Matthias Tsonzo High School apo aidzidza gore rapera.

Izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera pasocial media anoti Livingstone Sunhwa, uyo aiva nemakore 19 ekuberekwa mugore ra2021, haasi kuonekwa kwaari mushure mekupomerwa kunzi akaba mu”tuckshop” yepachikoro ichi.

Mutauriri wemapurisa kuManicaland, Inspector Nobert Muzondo vanoti Sunhwa ari kutsvagwa nemhosva yekupaza nekuba mutuckshop yepachikoro ichi apo ainyora bvunzo dzeO-Level.

“Tiri kutsvaga mukomana anonzi Livingstone Sunhwa (20) uyo ari kupomerwa mhosva yekupwanya pamwe nekuba mutuckshop yepachikoro cheSt Matthias Tsonzo High apo paaidzidza achiita Form 4 mumwedzi waZvita 2021. Nyaya iyi yakasvitswa kumapurisa nevakuru vechikoro, Livingstone Sunhwa akasungwa ndokuchengetedzwa nemapurisa nyaya iyi ichiferefetwa achimirira kuenda kumatare edzimhosva.

“Vabereki vake, semwana aiita Form 4, vakazoridzira nhare kumapurisa vachikumbira kuti vamupe mukana wekupedzisa kunyora bvunzo dzake izvo akabvumidzwa rinova zuva raakatiza husiku hwacho uye kusvika izvozvi tiri kumutsvaga,” vanodaro Insp Muzondo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kune vanoziva kuna Livingstone Sunhwa tinokumbira kuti vatibatsire nekuzivisa mapurisa ari pedyo navo kana kuridza nhare kumapurisa panhamba dzinoti 0773 553 148.”

Share This:

Sponsored Links