Mwana weForm 1 oshaikwa

18 Mar, 2023 - 09:03 0 Views
Mwana weForm 1 oshaikwa Samantha Manyewere Hove

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANASIKANA ane makore 14 okuberekwa anga achigara nevabereki vake murukisheni rweRunyararo West, kuMasvingo, anonzi akatsakatika achibva kuchikoro cheVision Academy College uko aiita Form 1.

VaNdabazabo Manyewere Hove (51) vanoti mwana wavo, Samantha Manyewere Hove, akabva pamba achienda kuchikoro nemusi wa9 Kurume asi haana kuzodzoka kumba kusvikira nanhasi.

“Mwana wangu anopinda chikoro Form 1 paVision Academy College muguta reMasvingo pedyo nemusika mukuru wemabhazi weMucheke. Musi uyu akaenda kuchikoro semazuva ose achifanirwa kupedza chikoro na11 dzemangwanani asi haana kuzodzoka kumba kusvikira nanhasi.

“Mumwe mwana waanodzidza naye chikoro anoti paakapedza chikoro, akamupa bhuku rake achibva atobuda ava kuenda kumba uko asina kusvika,” vanodaro VaManyewere.

Vanoti vanogara nemwana wavo uyu pasina dambudziko nekudaro vave kunetseka kuti akaenda kupi.

“Ndakazoenda kumapurisa ekukamba yeChikato zuva rakare ndikanomhan’ara nyaya iyi kuti tashaya mwana. Vakatangawo kuita basa ravo asi mwana haana kuwanikwa kusvika iko zvino,” vanodaro VaManyewere.

Kune vanogona kunge vakaona mwana uyu vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0774 391 713, 0777 100 491 kana 0772 278 757.

Inspector Kudakwashe Dhewa, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Inspector Kudakwashe Dhewa

“Nyaya yekushaikwa kwemwana uyu ndiri kungoiona padandemutande, regai nditsvage zvizere nekuda kwemamiriro ezvinhu munyaya iyoyi nditaure nemapurisa ekuChikato. Ndinodzoka kwamuri,” vanodaro Insp Dhewa.

Zvakadai, nyaya dzekushaikwa kwevana dziri kuwanda mazuva ano izvo zvave kuita kuti vabereki nevamwe vanochengeta vana vagare vakabatira hana dzavo mumaoko.

Share This:

Sponsored Links