Mwana weGrade 5 azviuraya

10 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Mwana weGrade 5 azviuraya Asst Insp Nomalanga-Msebele

Kwayedza

Flora Fadzai Sibanda

MUSIKANA ane makore 11 ekuberekwa wekuMabutweni, kuBulawayo – uyo anotsanangurwa nababa vake semunhu ainge akasununguka uye aifarira zvekubika nekuimba – awanikwa akafa akarembera mumuti pachivanze chepamba pavo.

Mapurisa anoti mwana uyu akazvisungirira zvichitevera kusanzwisisana kwaakaita naamai vake apo baba vake vanoti “airarama upenyu hunenge hwekugehena” sezvo achinzi aishungurudzwa nenzira yebonde.

Vabereki vaPatience vakaparadzana makore apfuura nekudaro aigara naamai vake uye aipota achishanyira baba vake kuVictoria Falls panguva yezororo rechikoro.

Ange achidzidza Grade 5 paMpumelelo Primary School, kuMpopoma.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vanoti mushakabvu uyu akatadza kunzwisisana naamai vake kutanga kwesvondo rino mushure mekunge asina kuendesa chikafu chavo kuzvitoro zveMabutweni uko vanotengesa gasi.

Nekuda kwehasha, amai vake vakamurova vachishandisa chimuti mumakumbo kakawanda mushure ndokuzomusiya pamba ari oga.

Asst Insp Msebele vanoti amai vake vakazoudzwa nevana vevavakidzani kuti Patience azvisungirira.

“Amai ava vakabva vadzokera kumba vakaedza kumununura nekumubvisa pamuti. Vakazoridzira nhare amburenzi kuti iuye kuzomubatsira,” vanodaro Asst Insp Msebele.

Patience akaonekwa kuti ainge atofa kare neveamburenzi apo vakasvika pamba apa.

Muhurukuro nababa vemushakabvu, VaMike Chishemu, vanoti vari kurwadziwa zvikuru nerufu rwemwanasikana wavo.

Vanoti havanzwisise mamiriro akaita rufu rwemwanasikana wavo nekuti aive akasununguka uye aigara achifara.

“Ndichiri kutadza kuzvigamuchira kuti mwanasikana wangu aenda. Handinzwisise kuti mwana ane makore gumi nerimwe ekuberekwa anoiwanepi pfungwa yekuzvisungirira kana kuti aiziva sei kuti kuzvisungirira inzira yekuzviuraya,” vanodaro VaChishemu.

Vanoti mwana wavo aive munhu akasununguka, mubiki mukuru uye aida zvekuimba.

VaChishemu vanoti vakapedzisira kuona Patience gore rakapera munaZvita paakavashanyira pazororo asi vaipota vachikurukura naye panhare yaamai vake.

“Musi weMugovera, akanditumira vhidhiyo yake achiimba rwiyo rwevhangeri. Zvinondirwadza kuziva kuti ndirwo rwiyo rwekupedzisira rwandichazonzwa achiimba. Aitaura akasununguka uye aifarira kubika nekundiudza nyaya,” vanodaro.

VaChishemu vanoti vakaudzwa kuti Patience akazvisungirira pamuti wemutohwe mukati mechivanze chaamai vake.

“Ini ndinoramba kutenda zvavanondiudza izvozvi nekuti hazvina musoro. Ndakazombonzwa zvakare kuti akambobatwa chibharo. Ndichiri kumbotaura nemapurisa kuti ndizive kana chiri chokwadi.

“Kana chiri chokwadi, amai vacho vachanditsanangurira kuti sei ndisina kuudzwa zvose izvi,” vanodaro.

VaChishemu vanoti vakamirira zvichabuda paongororo yemutumbi wemwana wavo kuti chii chaizvo chakaitika kwaari.

Asst Insp Msebele vanoti mapurisa ari kuferefeta nyaya yekunzi mushakabvu uyu akabatwa chibharo.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links