Mwana wekubatwa chibharo nababa akabara

31 Aug, 2023 - 18:08 0 Views
Mwana wekubatwa chibharo nababa akabara Tarie (zita rake chairo tinaro)

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUSIKANA wekwaSeke ane makore 16 ekuberekwa, uyo anonzi akabatwa chibharo nababa vake nyakutumbura zvikaita kuti abate pamuviri, akasununguka mwana musikana pachimwe chipatara chiri muguta reHarare mushure mekuvhiiwa.

Musikana uyu, watinongodoma zita rake rekuti Mavis bedzi (senzira yekumuchengetedza), anonzi akabatwa chibharo nababa vake kamwe chete panguva iyo aive nemakore 15 ekuberekwa apo amai vake vakanga vaenda kunoforera magwaro ekuzvarwa ekacheche kavainako.

Izvi zvakaita kuti mwana uyu asiire chikoro panzira.

Nhumbu yake haina kukwanisa kubviswa sezvinofanira kuitwa pamutemo sezvo achinzi akazodura nezvenyaya iyi yatodarika masvondo 24.

“Nhumbu yakandirwadza kwemazuva matatu mwana akasvika akundikana kubuda kudakara machiremba azondivhiya, ndinotenda ini nemwana tiri vapenyu,” anodaro Mavis.

Amai vake vanoti zvinhu zvinorwadza kumitisirwa mwana nemunhu waunoti murume wako.

“Nyaya iyi takaimhan’ara kumapurisa, baba vacho vachibva vasungwa asi vakazoburitswa vachinzi panofanira kumirira kuti mwana azvarwe kuitira kuti paitwe ongororo yemaDNA saka ndinotenda Mwari kuti vese vararama nekudaro tinotarisira kuzivisa mapurisa kuti zviitwe,” vanodaro.

Ekenia Chifamba anova director wesangano reShamwari Yemwanasikana anoti zvinorwadza zvikuru kuti mwanasikana adimburirwe remangwana rake nemunhu anofanira kunge ari muchengetedzi wake (baba).

“Ini ndinoona sekuti mwana uyu haatofaniri kunge ari kuchengeta mwana waakabara nekuti zvinomuvhiringa pfungwa. Ndinoti vebazi reSocial Development vanofanira kutora mwana uyu iye mwanasikana adzokere kuchikoro uye anotofanira kupangwa mazano,” anodaro.

Chipo Mahamba anova director wesangano reVana Vedu Trust anotiwo vanasikana vanofanira kuchengetedzwa uye vapari vemhosva dzakadai vorangwa zvakaomarara.

Sekuru Peter Maponda vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu vanoti kune vamwe varapi vechivanhu nemaporofita vanofurira vanhu kuti vapare mhosva dzechibharo uye vachizviita nevanhu vehukama vachinzi ndizvo zvinoita kuti vaite upfumi hwakawanda, nyambisirwa manyepo.

Share This:

Sponsored Links