Mwana wekusvipwa negarwe anoti . . .

02 Mar, 2023 - 07:03 0 Views
Mwana wekusvipwa negarwe anoti . . .

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA mukomana anogara kwaSabhuku Muzivi, kwaMambo Nyashanu, kuBuhera – wekurwisana negarwe ndokurikunda parakamubata murwizi Save – anoti chishuwo chake ndechekuenderere mberi nechikoro uye anotarisira kuzova mukoti kana kuti chiremba kuti azobatsira ruzhinji sezvaakaitwa iye.

Delvin Mutsvakiwa (12) anogara naambuya vake amai vaamai, Gogo Jane Mutumbu (67),  uyo ari kuita Grade 7 pachikoro cheSt Moses The Prophet Primary chiri kwakare kuBuhera, akarwisana negarwe raiva ramubata apo aiyambutsa mombe nembudzi dzaaifudza nevamwe vake vatatu.

Mwana uyu akarwisa garwe iri nekuribaya mukanwa maro neruoko rwake nekuribata mhuno kudzimara ramusiya achibva atizira kumahombekombe kwerwizi.

Delvin Mutsvakiwa akapihwa zita remadunhurirwa mudunhu raanobva rekuti “Gamba Remakarwe” uye ari kurapwa kukiriniki yemunzvimbo iyi nekuchipatara cheMurambinda asi achibva kumba.

Cde Mutomba vachikorotedza Mai Matilda Mutsvakiwa apo Delvin akatarisa

Nekubatsirwa uko ari kuitwa kubva mumaronda ekurumwa negarwe aya, Delvin Mutsvakiwa anoti akaona kukosha kwevakoti nemachiremba izvo zvaanoti zvamupa pfungwa dzekuda kuzova mukoti kana chiremba paanopedza chikoro.

“Kurwisa kwandakaita garwe hakunei nekuti ndakangwara, zvose ndinozvipa kuna Mwari nekuti ndivo vakandiponesa. Garwe parakandibata, handina kutya asi ndakafunga zvandakadzidziswa naambuya vangu kuti garwe haridi kubatwa mhuno kana mukanwa maro vachiti ukaona warumwa, tora tsanga kana chimuti woribaye mukanwa kana kurijunga maziso.

“Ndakapinza ruoko rwangu mukanwa maro nekuribata mhuno richibva ravhunduka, ndokundisiya richitiza,” anodaro mwana uyu.

Anoti garwe iri rakazoedza kumutevera pachitsuwa paakanga aenda pajecha  ahitsvaga kuzvibatsira achibuda ropa rikazobata mbudzi yaidawo kuyambuka, zvaanoti zvose izvi mabasa aMwari.

Garwe

“Vamwe vangu vandaiva navo vaingoshevedzera vari kunze kwerwizi vachindipa mazano uye Sabhuku Muzivi vakazouyawo vakanditakura pandaiva ndirere vakayambuka neni rwizi. Ndipo pakatanga kurapwa kwangu kusvikira ndazopona kudai.”

Anoti akaona simba raMwari mutsaona iyi, ndokuzoonawo kukosha kwakaita vakoti nemachiremba.

“Mwari ndivo vekutanga mutsaona yangu kuchizouya vakoti nemachiremba vari kundirapa nevamwe vari kundibatsira. Ndine vakawanda vari kundibatsira nemari nezvimwe zvavanopa kunaambuya naamai vangu.

“Sekutenda kwangu, kana ndazopedza chikoro ndinoda kuita mukoti kana chiremba ndigozobatsirawo vamwe vanhu vanorwara nevanowirwawo nemamwe matambudziko akaita sezvandakaitwa ini. Vakoti nemachiremba vakakosha,” anodaro.

Nhengo yedare reParamende inomirira Buhera North, Cde William Mutomba, vanovimbisa mwana uyu kumubhadharira mari yechikoro nekutenga mayunifomu nemabhuku kutanga izvozvi nezvimwe zvinodiwa mudzidzo yake kusvikira Form 6.

“Mwana uyu tava kumuti kuno Gamba Remakarwe reBuhera, igamba iri. Tinotenda Mwari nekuti hakusi kungwara kwake kuti nezera rake agone kurwisa garwe nekuti tine vanhu vakuru muno vakafira murwizi urwu vadyiwa nemakarwe kusanganisa mombe nezvimwe zvipfuyo,” vanodaro Cde Mutomba.

Vanoti ivo nemudzimai wavo, Mai Mutomba, uyu atova mwana wavo wavava kuendesa kuchikoro nekumuwanisa zvose zvaanoda.

“Delvin Mutsvakiwa Gamba reMakarwe reBuhera, Mwari vakaita pavo pekumuraramisa, ini naMai Mutomba ava ndivo vava amai vake vatsva vachamuitira zvose kusvika apedza Form 6 tozoona mberi kuti tinoitawo sei.

“Tanzwa chishuwo chake kuti anoda kuzoita mukoti kana chiremba saka tichaita kuti shungu dzake dzizadzikiswe. Tinonzwa kuti garwe iri riri kuoneka nekudaro ndichashevedza vebazi reNational Parks kuti vazokwanisa kuripfura,” vanodaro

Vanoyambira vechidiki nevakuru kuti vasiyane nekutambira kurwizi rwaSave urwo rwunozivikanwa nekuva nemakarwe akawanda.

Gogo Jane Mutumbu (67), vanova ambuya vaDelvin, vanoti chavo kurumbidza Mwari nekurarama kwemuzukuru wavo.

“Handina chekutaura, ndinotenda Mwari nevose vari kubatsira mukurapwa kwemuzukuru wangu nevamwe vaaiva navo vatatu avo vanoda nyanzvi dzekuvadzikamisa,” vanodaro Gogo Mutumbu.

Mai Matilda Mutsvakiwa (42), amai vaDelvin, vanotiwo inyasha dzaMwari kuti mwana wavo ararame.

“Ndinotenda vose vari kubatsira mwana wangu vanosanganisa Cde Mutomba, Cde Monica Mutsvangwa, nevamwe. Mari iri kuuya uyewo Cde Mutomba vava kuendesa mwana wangu kuchikoro.

“Ndinokumbirawo vadzidzisi kuti vaite kuti zvido zvevanhu vose ava, kusanganisira nechemwana wangu chekuti aite chiremba, chizadzikiswe,” vanodaro Mai Mutsvakiwa.

Sabhuku Muzivi VaObert Muzivi (54), vanoti zvakaitika kumwana uyu mashura.

“Ndakaona ruoko rwaMwari munyaya yemwana uyu uyewo tinokumbira kuti vana vadiki vasiyane nekuyambuka rwizi urwu, tine vakawanda vakabatwa nemakarwe munaSave zvose nemombe,” vanodaro sabhuku Muzivi.

Share This:

Sponsored Links