Uncategorized

Mwana wekutsvira mumba akavigwa

07 Jul, 2021 - 08:07 0 Views
Mwana wekutsvira mumba akavigwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA wekutsvira mumba kuUnit O, Extension, kuChitungwiza nemusi weChitatu svondo rapera akazovigwa neMuvhuro uno kumakuva ekuNyatsime Cemetery, ikoko kuChitungwiza mushure meongororo yakaitwa pamarangwanda ake zvikaonekwa kuti zvedi akafa nekuda kwemoto.

Vabereki vemwana uyu vanoroja kamuri imwe chete yemba pamba apa inova yakaparara pakatsva mwana uyu.

Pakaitika tsaona iyi kumanheru, amai vemwana uyu – Mai Precious Mudzingwa – vainge vasiya kenduru yakabatira mumba umu vachienda kunoronda zvikwereti zvedovi ravo pedyo nekuzvitoro zvekwaTaita Shopping Centre, muChitungwiza imomo.
Ndipo pakasara pachitsva mwana Hillary Macheka (4) zvekuita dota.

“Ndiri kurwadziwa nemashoko ari kubva kune vamwe vandinotengesa navo kwaTaita uye vamwe vemunharaunda avo vari kuti ndainge ndaenda kunoita chipfambi ndichisiya mwana achitsva. Ndingatakura nhumbu kwemwedzi mipfumbamwe ndozvara mwana pedzezvo ndomuuraya?

“Kubuda kwandakaita mumba ndichironda zvikwereti zvangu moyo waitorwadza kuti handingasiye mwana murima sezvo magetsi ainge aenda, ndokusaka ndakabatidza kenduru uye handaiziva kuti ichazopisa imba pamwe chete nemwana. Ini ndiri munhu akangokura achiita mabasa emaoko kuti mhuri irarame, handitengesi muviri zvachose,” vanodaro Mai Mudzingwa.

Vanoendera mberi vachiti, ongororo yakaitwa kuchipatara inoratidza kuti mwana akafa nekuda kwemoto.
“Kune vanhu zvekare vanoti mwana uyu akabviswa mimwe mitezo yemuviri wake ndokuzopisirwa mumba. Ndinofara zvikuru kuti ongororo yakaitwa nenyanzvi dzemachiremba (forensic tests) inotaura kuti musoro kana kuti mudehenya remwana makawanikwa muzere utsi kureva kuti akafa nemoto kwete imwe firo inotaurwa nevemakuhwa.

“Zvinorwadza kuti panguva yaunenge uri pakuchema, vamwe vanenge vari mushishi kutaura zvavanoda uye zvavasina ruzivo nazvo.”

Vanowedzera vachiti dambudziko guru rasara nderekushaya pekugara uye vari kukumbira rubatsiro rwekuti vavakurudze imba yakaparadzwa nemoto uyu uye tambo dzemagetsi nemarata zvevaridzi vemba izvo zvakatsva.

“Hongu mhosva handiirambi, ndini ndakabatidza kenduru rinova rakazopisa mwana neimba. Varidzi vemba vakatoti ivowo zvinhu zviri kuvanetsa saka ndinotofanira kuona kuti ndagadzirisa imba yavo. Zvino ndava kuchema kune nyika kuti kana paine vanokwanisa kundibatsirawo ndigadzirise imba yevaridzi. Izvozvi ndimo matiri kurara muimba isina denga kana musuwo nekuti ndikati ndibve ndinoita sekunge ndatiza mhosva,” vanodaro.

Mudzimai uyu akarasikirwa nemwana uye midziyo yose yemumba.
Kune vangada kubatsira vanovabata panhare dzasisi vake dzeEcoCash dzinobudisa zita rekuti Ndakaitei Mudzingwa dzinoti 0782547990.

Share This:

Sponsored Links