Mwana wepaSt Faith azvisungirira muchikoro

26 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
Mwana wepaSt Faith azvisungirira muchikoro Zvinhu zvaTatenda Kapuya

Kwayedza

Latwell Nyangu

MUKOMANA ane makore 18 okuberekwa anga achiita Form 4 paSt Faith High School, uyo akazviuraya nenzira isinganzwisisike, akasiya anyora katsamba kanotaura chikonzero chekuti sei akatora upenyu hwake apo akadhirowa mufananidzo wake akakombwa nevamwe vana vechikoro avo vaimurwisa.

Tatenda Kapuya akazviuraya nemusi weChishanu wadarika uye akavigwa kuDomboshava nemusi weSvondo pamwe chete nemidziyo yake yose.

Kuferefetwa kwakaitwa nyaya iyi nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) ekwaRusape kunoratidza kuti mufi akasiya anyora tsamba yekuti sei akazviuraya. Nyaya iyi yakamhan’arwa nenhamba dzeRRB dzinoti 5156770 paZRP Rusape Central.

Zvinonzi akasiya tsamba yaakadhirowa mufananidzo wake akakomberedzwa nevamwe vana vechikoro, avo vaimurwisa.

Aipomerawo mukuru wechikoro ichi mhosva yekusamununura kubva kuvadzidzi vaimurwisa.
Zvisinei, mukuferefetwa kwakaitwa nematikitivha, zvinonzi akatanga kuona mutumbi waKapuya ndiTatenda Mudonhi (17) uyo waaigara naye.

Nemusi wa22 Gunyana, nenguva dza10 dzehusiku, mushakabvu akaendeswa kwaigara amai vake nemukuru wechikoro, VaArnold Makamba (54).

Zvinonzi danho iri rakatorwa sekuchengetedza Kapuya mushure mekunge atyisidzirwa nevamwe vadzidzi, avo vaimupomera mhosva yekuita zveSatanism pachikoro ichi. Akasara achichengetwa naamai vake, Mai Sarudzai Kapuya (49).

Nemusi wa23 Gunyana nenguva dza7 mangwanani, mushakabvu akazoonekana naamai vake achiti aida kuendesa zvidzidzo zvake zveCALA, izvo zvaifanira kuenda kuchikoro. Paakasvika pachikoro masikati, akananga kukamuri yake yokurara asina kunozivisa mukuru wechikoro.

Muimba yekurara maive naMudonhi uyo waaigara naye. Zvinonzi Kapuya akaudza waaigara naye uyu kuti abude achinotsvaga shamwari yake, Prince Bonyongwe, uyo anovawo mudzidzi paSt Faith High.

Asi Mudonhi akatadza kuwana Bonyongwe achibva adzokera kuimba yavo yekurara kunopa mhinduro kumumwe wake. Mudonhi akasvikowana Kapuya akarembera mumba iyi uye achiratidza kuti akange atofa. Akabva aenda kunoudza Israel Chikonodanga (44) uyo anove supervisor wecanteen paSt Faith High School.

“Supervisor wekucanteen akabva ataurira boarding master wepachikoro ichi, Mike Mutisi (47), uyo akazoudzawo mukuru wechikoro,” rinodaro gwaro remapurisa.
Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa.
Tsamba yekuzviuraya yakanyorwa nemushakabvu yakawanikwa patafura yechikoro mukamuri yake yekurara.

Yaiti: “Yaa, bepa ramatora nderangu ndaida kuzviuraya saka ndakabva ndafunga kuti ndikwanise kuburitsa pachena zvose zvaindishungurudza.
“Asi, zvino, hamusisina basa nazvo, Ngoni ndine urombo, amai ndine urombo, ndine urombo mose. Ndanga ndiri mutoro uye zvino ndinofanira kuenda.”
Mutumbi uyu wakatariswa uye hapana kukuvara kwakaonekwa.
Homwe dzake dzakapenengurwawo ndokuwanikwa US$1 nemapini emabhuku mashoma ndokutorwa nemapurisa.
Mutumbi wakazoendeswa kuchipatara cheRusape General Hospital kuti unoongororwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey