Mwanakomana orikita amai achivati ipfambi

18 Dec, 2022 - 08:12 0 Views
Mwanakomana orikita amai achivati ipfambi Western Commanage Courts

Kwayedza

Danisa Masuku

MAVIS NYONI haana rugare pamba pake nekuti pose paanonetsana nemwanakomana wake, Mandlenkosi Nyoni, anomudzipa pahuro achimurova.

Mavis anoti chero mwana wake akangobva kudoro, anoita mhirizhonga nekumutuka achimuti ipfambi.

Pose paanoda kumutsiura, Mandlenkosi anobva aita zvechisimba nekumutyisidzira kuti anoda kumuuraya.

Mavisi anoti pane imwe nguva apo mwanakomana wake akamudzipa pahuro ndokumutsitsirira asati amurova.

Akazopotera kudare reWestern Commonage Court achikumbira gwaro rinomudzivirira.

“Ndinokumbira gwaro redziviriro kubva kumwana wangu Mandlenkosi. Ari kundituka uye kundirova. Anowanzondityisidzira kuti achanditema nedemo kuti ndife, saka ndiri kurarama ndichitya. Anondirova nekundidzipa,” anodaro.

Mavis, uyo akatyoka ruwoko, anoti mwana wake ane tsika yekuparadzawo midziyo yemumba izvo zvave kukonzera kuti achengetere midziyo yekubikira muimba yekurara nekuti ari kutyira kuti Mandlenkosi anogona kuiparadza yose.

Anoti chero akaita mabasa emaricho, mwana wake anomubirawo mari yacho sezvo asingade kutsvaga basa.

Minamato yake yakapindurwa apo mutongi Jeconia Prince Ncube vakamupa gwaro redziviriro.

Mandlenkosi akanzi asarove amai vake nekuvatuka. Akarambidzwawo kuvatyisidzira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey