Mwanakomana oti kuna baba ‘muchazviona’

07 May, 2024 - 12:05 0 Views
Mwanakomana oti kuna baba ‘muchazviona’ Dare

Phillipa Mukome Chinhoi

MUMWE murume akaendesa mwanakomana wake kudare achiti haadi kuti amuudze mashandisiro aanofanirwa kuita mari yaanopihwa nemaroja ake.

Baba ava vanoti mwanakomana uyu anosvika pakuvaudza kuti muchazviona kana vanetsana nenyaya yemari iyi.

Billy Zambuko akaudza dare reHarare Civil Court kuti Presty Zambuko ari kumushaisa rufaro nekugara achida kuziva mashandisiro aari kuita mari yemaroja ake.

“Pese pandinopihwa mari nemaroja angu, mwana uyu anotoda kuziva kuti ndaishandisa chii uye zvandatenga zvaita marii,” anodaro Billy

“Iko zvino ave kundituka mashoko asingaite nekundivhundutsira kuti ndichazviona. Handichadi kumuona pamba pangu, zviri nani amboonewo kuoma kwakaita kunze uko sezvo ave murume mukuru.”

Presty haana kuenda kudare.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Billy gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links