Phillipa Mukome Chinhoi
MUDZIMAI wemuHarare anoti mwanakomana wake anotora zvinodhaka, anogara achimubira midziyo yake nezvimwe zvinhu uye kumutuka zuva nezuva.
Maria Hodzi akaudza dare reHarare Civil Court kudai Tinashe Hodzi asuduruka zvake atsvaga kwekunozvigarira nekuti aneta kutukwa.
“Mukomana uyu haachatsiuriki, ukaedza kumutsiura anonditi muri kutaura zvekupenga kana kuti semunhu ari muchimbudzi saka handitereri zvamunotaura,” anodaro Maria.
“Ane ruoko zvakare, ndanzwa nekubirwa nharembozha mumba achinotengesa kuti atenge zvinodhaka. Akambobira muzukuru wangu nharembozha yake, kwapera mazuva ndokuti munhu akanhonga nharembozha ari kuti anoda US$20 kuti atitambidze, zvese izvi kwanga kuri kunyepa achida chete kundibira mari. Zvinhu zvake zvose anoita zvechisimba hapana kana chaanoita mune zvakanaka,” anodaro.
Maria anoenderera mberi achiti: “Kutaura kuno imbwa yangu yakaita tuhanda ndokutora twese kunotengesa achiti ndiye akauya nepfungwa yekuti ndichengete imbwa dzekuzotengesa, dai asuduruka hake handichadi kugara naye.”
Tinashe haana kupikisa zvose zvakataurwa naamai vake uye akati aisava nedambudziko kana vakapihwa gwaro.
Mutongi Meenal Narotam vakapa Maria gwaro redziriviro.