Mwanasikana (18) anorova baba

28 May, 2022 - 10:05 0 Views
Mwanasikana (18) anorova baba

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

MWANASIKANA ane makore 18 okuberekwa wekuDangamvura kwaMutare anonzi akarova baba vake apo aiedza kuvhikira amai vake izvo zvakazoita kuti agumisire amiswa mudare redzimhosva.

Linda Murahwa ari kunzi akapara mhosva iyi mushure mekunge baba vake vapomera amai vake kuti vaive vavabira mari yavo.
Nyaya iyi yakabuda mudare reMutare Magistrates’ Court neMuvhuro apo Linda akamiswa pamberi pemutongi Prisca Tendai Manhibi.

Zvisinei, Linda ari kuramba kuti anorova baba vake Nyasha Murahwa vane makore 42 okuberekwa.

Akanzi adzoke kudare nemusi wa22 Chikumi apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi panyaya iyi ndiVaThurstone Mubvumbi.

Mukuramba mhosva iyi, Linda anoti mushure mekunzwa baba vake vachipomera amai vake mhosva yekuvabira mari, akarandutsira kuti vasarohwe.

“Ndashamisika kuti nhasi ndiri kumiswa pamberi pedare rino. Ndaifunga kuti hasha dzababa vangu dzaingova dzenguva pfupi. Ndaive ndisina pfungwa yekuvarwadzisa.

“Ndaingoda kuti vasarove amai vangu saka ndaivavhikira. Vainge vakanganwa pavainge vakaisa mari yavo ndokupomera amai mhosva yekuba. Amai vangu havasi mbavha.

“Ndakangovasandudzira vachibva vadonha. Chigunwe chavo chakakuvara mukuita izvi. Handina kuvaruma sezvaari kutaura. Handingamboruma baba vangu nekuti ndinovaremekedza zvikuru,” anodaro.

Muchuchisi Mubvumbi akaudza dare kuti nemusi wa30 Kubvumbi gore rino, Nyasha akatadza kunzwisisana nemudzimai wake.

Linda anonzi akapindira munyaya iyi akaudza baba vake kuti vaisava nekodzero yekutuka kana kurova amai vake.

Anonzi akaenderera mberi nekurova baba vake kuruoko rwerudyi.

Nyasha akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Linda asungwe.

“Wakaruma baba vako ruoko rwerudyi ndokubva rwaita ronda rakadzika. Kunyangwe hazvo upenyu hwavo husiri panjodzi nekuda kwekukuvara uku, wakatyora mutemo,” vanodaro VaMubvumbi.

Share This:

Sponsored Links