Mwari ndiye anoziva: Phidza

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Mwari ndiye anoziva: Phidza

Kwayedza

Abel Ndooka
AIMBOVE mutungamiriri weZifa, Phillip ‘Phidza’ Chiyangwa, anoti Mwari voga ndivo vanoziva kuti achadzoka here kuzokwikwidza kuti atungamire sangano iri zvakare mune ramangwana zvichitevera kurakashwa kwaakaitwa naFelton Kamambo musarudzo dzichangobva kuitwa dzekutsvaga mutungamiriri mutsva.

Chakave chishamiso musi weSvondo wadarika apo Chiyangwa pamwe neaimbova mutevedzeri wake Omega Sibanda vese vakakundwa naKamambo pamwe naGift Banda musarudzo dzekutungamira sangano reZifa.

Chiyangwa akakundwa musarudzo idzi muchikamu chekutanga zvisinei hazvo kuti Kamambo haana kuwana mavhoti akakwana anodiwa pasi pemutemo wekuitwa kwesarudzo idzi ndokunzi dzinofanirwa kudzokororwa.

Pachikamu chesarudzo chekutanga, Chiyangwa akawana mavhoti 24 uyuwo Kamambo ndokuwana 35 asi pasi pebumbiro remutemo weZifa anenge ahwinha anosungirwa kunge achiwana mavhoti 39 saka sarudzo idzi dzaifanirwa kudzokororwa.

Omega Sibanda

Asi, Chiyangwa akaramba kukwikwidza kechipiri zvakabva zvavhurira Kamambo mukana wekusarudzwa kuve mutungamiriri wesangano iri.

Achitaura neKwayedza svondo rino paWhatsApp apo akabvunzwa kuti ane hurongwa here hwekudzoka kuzokwikwidza zvakare musarudzo dzinotevera dzekutungamirira Zifa, Chiyangwa anoti Mwari voga ndivo vanoziva kuti ramangwana rake rakamira sei.

“Sei mave kuda kubvunza izvezvi? Asi inyaya yandinozvifungira ndega, uye Mwari ndivo vachaziva kuti vachazvironga sei,” anodaro Chiyangwa.

Gift Banda

Zvichitevera kukundwa kwaakaitwa musarudzo idzi, Chiyangwa anoti inguva yevamwe yekutungamira sangano iri uye vachange vachishanda pamwe mukusimudzira nhabvu yemuno.

Anoti chikuru kwaari panguva ino ibasa rake rekumiririra Zvimba South mudare reParamende uye nekutungamira sangano reCouncil of Southern Africa Football Associations (Cosafa).

Svondo rino, Cosafa yakabuda pachena kuti zvisinei kuti Chiyangwa akakundwa musarudzo dzekutungamirira Zifa ndiye acharamba achitungamira Cosafa kusvika gore ra2021 apo pachaitwa sarudzo dzekutsvaga mutungamiri mutsva wesangano iri.

Felton Kamambo

“Ndiri MP uye ndiri kuita zveCosafa. Usazvipiringishe, chii chinonzi Cosafa?” anodaro Chiyangwa.

Zvakadai, Kamambo anoti chimwe chezvinhu chekutanga zvaachaita apo achangopinda muhofisi yekutungamirira Zifa kuti sangano iri ridzokere kunoshandira kumahofisi aro eZifa House ari panhamba 53 Livingstone Avenue, muHarare vachibva kumahofisi aChiyangwa ayo range rave nemakore richishandira.

Share This:

Sponsored Links