Mwari vati tigare tose: Muporofita

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mwari vati tigare tose: Muporofita

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai ari kuchema-chema mudare achiti ari kushungurudzwa nemurume akauya pamba pavo achiita zvechiporofita uye ndokuzomuudza kuti Mwari vanoda kuti vagare vose.

Hilda Mano akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Fanuel Alphanet achikumbira gwaro redziviriro.

Mano anoti haachada kuona Alphanet kumba kwake sezvo aine mbiri yekuita mhirizhonga. Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mano gwaro rinomuchengetedza.

“Murume uyu akambopinda mujeri. Akauya kuzogara neni amai vangu vachiri vapenyu achiita kunge muporofita apo aiti Mwari vanoda kuti tive tose.

“Anondirova sekurova kwaaimboita mudzimai wake. Mumwe musi ndakaenda kuzvitoro ndikawana mwana wangu achichema panze. Ndakamubvunza kuti chii akati Alphanet ainge amudzvanya musoro akamurova.

“Akambondibatira banga zvekuti ndave kutotyira upenyu hwangu nehwemwana wangu,” anodaro.

Alphanet anoudza dare kuti Mano anorwara nepfungwa.

“Pandakasvika, airwara nepfungwa kubvira aine makore 14 kusvika apa ava nemakore 38 okuberekwa. Ane dambudziko raainaro rave kubatira kumwana wake sezvo akanditema nematombo. Ndaimubatsira kwemakore maviri. Ndakabva kumba kwake asi ndiri kuda kubvumidzwa kunotora zvinhu zvangu ikoko,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>