Mwari vati vana vachapasa: Prophet Madungwe

29 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
Mwari vati vana vachapasa: Prophet Madungwe Madungwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PROPHET Talent Madungwe wechechi yeReminant Desire of All Nations Ministries iri muguta reHarare – uyo anozivikanwa nembiri yekuzviti anoita misangano naMwari mbune – rwendo rwuno auya neimwewo apo ari kuti achangobva kuita musangano naMwari mukutanga kwa2023 vakamuudza kuti gore rino richaona budiriro huru munyika yeZimbabwe, kusanganisira kupasa kwevadzidzi pabvunzo dzavo.

Madungwe (35), uyo anogara mumusha weSunningdale, muHarare, uye kumusha achibva kumapurazi ekuTongogara, kuShurugwi, anoti akaziviswa kuti vadzdzi vazhinji vachabudirira mubvunzo dzavo dzekupera kwegore rino.

“Pamisangano yangu naMwari yatinogara tichiita nguva dzose, gore rino vakatanga nekutaura nyaya yedzidzo vachiti Zimbabwe inyika yakapihwa chipo cheshasha mudzidzo. Vakati vabereki vanofanirwa kuendesa vana kuchikoro pasina kukundikana uye ndokuti chikamu chevana vazhinji vachanyora bvunzo dzavo dzekupera kwegore rino ra2023 vachibudirira, kubvira kune veGrade 7, veForm 4 ne6, kumakoreji nekumayunivhesiti.

“Kana bvunzo chaidzo dzemumakambani, Mwari vakadira nyasha dzavo, rino igore rebudiriro huru yeZimbabwe,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoenderera mberi achiti: “Zimbabwe inyika ine vanhu vakadzidza zvinozivikanwa pasi rose, izvo zvinoonekwa nekushanda mabasa epamusoro kunoita vana vemuno kune dzimwe nyika.”

Anotaurawo pamusoro pekunaya kuri kuita mvura zvakanaka mazuva ano achiti: “Mwari vakayeuka nyika yeZimbabwe, mvura iri kunaya (zhakanaka). Hurumende yakapa vanhu ivhu nekudaro tikarima tikatengesa tinowana mari yekuendesa vana kuchikoro tichidya tichiguta.

“Isu tinozvirimira tichiguta nezvirimwa zvedu, ngatishandisei mukana wekurangarirwa naMwari uyu.”

Prophet Madungwe anoti ari kunamatirawo runyararo nguva dzose munyika, kubvira kudzimba nekumabasa.

“Mwari ndichitaura navo, vanoti kune vamwe vanhu vakasarudzwa naMwari kuti vachangopinda kudenga pasina zvekutamburira. Ini saHeavenly Commander ndiwo mashoko angu andakawana pamusangano watichangobva kuita naMwari,” anodaro.

Kune vanhu vanoti Madungwe haafanirwe kuteverwa zvaanotaura, vachimuti anorotomoka kana kuita seane pfungwa “dzinombonyimana moto”.

Zvisinei, Madungwe anoti zvaanoreva ndezvedi uye ane pfungwa dzakadzikama asi kungoti, “Kana Mwari chaiye ane vanhu vairamba kumuterera.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey