Mwedzi 2 afirwa, onzi tuta twako

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Janet Chari
MUMWE mudzimai anoti muramu wake amuka chibhebhenenga nekuda kumudzinga pamba kwangopera chipo chemwedzi miviri iye afirwa nemurume wake.

Sifelani Gwakure akaendesa Calisto Bisenti kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Babamunini vanouya kwandinogara vachiita ruzha nekupopota nezvinyadzi pamberi pevana,” anodaro Gwakure.

Anoenderera mberi achiti murume wake haana kana mwedzi miviri ashaya, asi babamunini vake vave kutomudzinga pamba zvose nevana.

“Vanouya kumba vachiputsa mahwindo vachiti ndibve, kana ndikaramba hameno kuti ndichagara pai nekuti imba inenge yaparara,” anodaro Gwakure.

Bisenti anopikisana naGwakure achiti anoreva nhema nokuti vanogara vose pamba apa.

“Nyaya iripo ndeyekuti baba vasati vashaya, vakasiya vandiita mutariri wepamba asi maiguru vava kuda kuti ndibve ivo vosara pamba apa,” anodaro Bisenti.

Bisenti anoti haazi kuparadza musha wavanogara asi kuti anotovakiridza pose panenge pakanganisika.

“Dambudziko nderekuti maiguru vakandiona ndichigadzira nekuvaka pamba, vanobva vanditi ndave kutora musha sewangu uye ndiri kuita zvose izvi kuti ndiwane kuvadzinga pamba,” anodaro Bisenti.

Anoti anoda kugara zvakanaka nemhuri yemukoma wake asi Gwakure anofanira kuregedza tsika yekufurira mukadzi wake kuita zvakashata.

“Maiguru nemhuri yavo ndaivachengeta mukoma paakasiya basa ndichivabhadharira mari dzekuroja kusvika ndazovati vauye kuzogara pamba asi iye zvino vave kufurira mukadzi wangu,” anodaro Bisenti.

Mutongi Manasse Musiyiwa akapa Gwakure gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey