Mwedzi 9 chitunha chiri musango

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemubhuku raSimarira riri kwaZvimba, svondo rapera vakava nekushamiswa kukuru zvichitevera kuwanikwa kwemarangwanda emudzimai uyo anga asvitsa mwedzi mipfumbamwe asingazivikanwe kwaari.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Assistant Inspector Ian Kohwera, vanoti Idah Musimbo — uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa — akangoshaikwa pamusha pake munaZvita 2019 vanhu ndokumutsvaga kusvika vaneta.

Murume wacho nevamwe vehukama vanonzi havana kumbobvira vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Ishmael Gwenzi (43) murume wemudzimai uyu, anonzi aingofamba achibvunzira pamusoro pemudzimai wake asi hapana chakabuda.

Muchakabvu uyu anonzi akatsakatika mushure mekunge vambonetsana nemurume wake.

“Mudzimai uyu apedza nguva ingaite mwedzi misere asina kuonekwa kwaaiva. Nemusi wa21 Chikunguru gore rino, vamwe vanhu vaikanya zvidhinha musango vakazoona marangwanda emudzimai uyu pasi pemuti uri pedyo nepavaiitira basa apo vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekwaKutama, kwakare kwaZvimba,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Mapurisa aisanganisira echikamu chematikitivha ekuChinhoyi vakazotanga kuferefeta nyaya iyi ndokuzoendesa marangwanda aya kuchipatara cheKutama Father O’hea Memorial Hospital kuti anoongororwa.

“Muti uri panzvimbo iyi wakawanikwa uine tambo yakarembera pakanangana nepaiva nemapfupa aya uyewo mbatya dzaivapo dzakazivikanwa nemurume wacho kuti dzaiva dzemudzimai wake zvose netambo yacho. Zvakabuda pachena kuti mudzimai uyu akafa nekuzvisungirira,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Mapurisa ekudunhu iri vanoti vari kushushikana nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kufa kuburikidza nekunwa muchetura, kuzvisungirira kana kupondana.

“Munyaya yakaita seiyi, tinokurudzira kuti vanhu vakurumidze kumhan’ara kumapurisa kana vashaya munhu pane kunyarara. Zvikadaro zvinotipa nguva semapurisa yekutsvaga kuti chii chakaitika uye kana paine vanofanirwa kusungwa vosungwa,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Share This:

Sponsored Links