Uncategorized

‘Mweya wetsvina, ndinongonzwa kuda kurova vana’

18 Jan, 2022 - 15:01 0 Views
‘Mweya wetsvina, ndinongonzwa kuda kurova vana’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

TSUMO inoti nherera inoguta musi wafa mai iri kududzirwa nemararamiro ari kuitwa nevana vaviri avo vakafirwa naamai vavo mugore ra2013 apo baba vavo vakabva varoora mumwe mudzimai uyo anogara achivashungurudza zuva nezuva nekuvarova.

Mudzimai uyu, Veronica Nyashanu, anonzi ari kugara achirikita kurova vana ava nemapuranga, kuvarovera pasi, kuvatukirira pamwe nekuvashandisa mabasa akaomarara.

Mifananidzo yevana ava iyo iri kutenderera paWhatsApp inoratidza mumwe wavo anove musikana ane makore 13 ekuberekwa akazvimba ruwoko urwo akarohwa nepuranga namainini ava achinzi haana kutsvaira mumba.

Nyachide wababa kana kuti amainini vevana ava vanonzi vainge vamusiira mwana wavo ndumurwa apo vakasvikomurova vachiti ainge asina kuita mabasa emumba avaive vamuudza kuti asare achiita.

Mumwe ari kushungurudzwa mukomana ane makore gumi okuberekwa uyo anonzi akasairirwa akadonha achibva akuvara nzeve achipomerwa mhosva yekudonhedza mwana waamainini ava waainge asiirwa zvekare.

Kwayedza – pasi pechirongwa chayo “Regai dzive shiri” icho chinokurudzira kurerwa kwevana zvakanaka – yashanyira mhuri iyi kumba kwavo kuAmsterdam Park, muHarare ndokuita hurukuro nemudzimai uyu.

Baba vevana ava vanoita basa rekutyaira motokari, nekudaro vanoenda kubasa uye vanonzi nguva zhinji vanodzoka pamba husiku izvo zvinoita kuti vasazive zvakawanda zvinoitika kuvana vavo.

Nyashanu ari kubvuma nyaya yekurova vana iyi uye anozvipomera mweya yetsvina achiti pamwe ndiyo inomubata sezvo achizongoerekana anzwa kuda kuvarova.

“Ini ndakangobatwa nehasha musi wandakamurovhesa kuchikoro ndichibva ndamusiya nemwana ndichienda kuchipatara sezvo muviri wangu wanga uri kurwadza semunhu ndakazvitakura. Pandakadzoka, ndakawana asina kutsvaira mumba achitotamba zvake, ndokubatwa nehasha ndichibva ndanhonga puranga rakanga riri pasi ndokumurova naro.

“Chakaita kuti azonyanya kukuvara ndechekuti akanga oda kuvhika achiti musandirove nepuranga ndinozokuvara. Ndizvo zvakaita kuti ruwoko rwake rwuzozvimba.

“Kuterera vana ava vanonditerera zvikuru uye ndakasununguka kugara navo,” anodaro nyachide uyu.

Nyashanu anoti akazodeedzwa kumapurisa ekunzvimbo kwavanogara mushure mekumhan’arirwa nevamwe vavakidzani achibva apihwa yambiro nekunzi anorapisa vana ava.

“Kurova kwandinoita vana ava hazvirevi kuti vanguwo vandakabara handirovi, ndine mumwe ari panze uyo ane makore gumi wandinorovawo. Ndinofara zvikuru neyambiro yamunondipa kuti vana havarohwi kana kupihwa mabasa akaomarara.

“Ndaisivatumawo kumvura nezvigubhu zvemarita 20 zviviri vachisunda mubhara ndisingazive kuti kuvashungurudza, handichazviita uye mapurisa akandipanga mazano. Ndava kusandura mararamiro angu nevana ndichivabata zvakanaka nekuti zvinoendesa kujeri,” anodaro mukadzi uyu.

Patience Redias anova nhengo yeRoyal Society Orphan Trust pamwe nesangano reGender and Media Connect uye ari zvekare muvakidzani wemhuri iyi anoti vana ava vanogara vachidemba kuti kudai amai vavo vari vapenyu zvichitevera kubatwa huchapa uko vari kuitwa nemudzimai wababa vavo uyu.

“Vana ava vari kurarama upenyu hunorwadza, kunyangwe baba vavo vakavatengera mayunifomu ekuchikoro, vanoenda vakapfeka mbatya dzepamba. Musikana ndiye akarohwa ruwoko nepuranga rwukazvimba uye mushure mekurohwa kudaro, akabva anzi asuke mandiro asati aenda kuchikoro.

“Kurohwa kwaakaitwa mwana uyu anoti ainge anzi akanga asina kutsvaira mumba sezvo amai ava vaine pamuviri,” anodaro.
Vana ava vanonzi vakabva vataurirwa naamainini ava kuti kana vachinge vabvunzwa kuchikoro kuti vakakuvara nei, vanonyepa kuti vakadonha mumuti asi pavakabvunzwa vakabva vadura chokwadi kuti vakarohwa nepuranga.

“Vana ava vanotakudzwa zvigubhu zvemarita 25 zvemvura, baba vavo vanosvika pamba husiku nguva zhinji uye panguva iyo vanenge varipo, mainini vavo vanonyebera kuvabata zvakanaka izvo zvakaita kuti nyaya yekushungurudzwa kwevana ava inonoke kuzivikanwa.

“Mukomana akaroverwa kuti ainge adonhedza mwana zvisinei nekuti ainge achinzi anga apunzika oga semwana ari kufundira kumira,” anodaro Redias.

Margaret Jecha anova mumwe wevakuru veRoyal Society Orphan Trust ari zvekare mugari wenzvimbo iyi anoti mamwe madzimai anoshungurudza vana vachivapomera mhosva dzanababa vavo.

“Kune mamwe madzimai anotsivira mhosva dzanababa kuvana sekuti kana vachinge vasina kusiirwa mari yechikafu.

Ndinokurudzira kuti vanhu vakurumidze kumhan’ara nyaya dzakadai kumapurisa kuti vana vabatsirwe nenguva uye mupari wemhosva orangwa nemutemo kana kupangwa mazano pamusoro pezvaanenge achiita nekuti vamwe vanosanduka kana vakadzidziswa nevemitemo,” vanodaro.

Mumwe muvakidzani zvekare waNyashanu, VaEphias Muchongwe vanotsinhira kuti vana vaviri ava vari kushungurudzwa zvakanyanya naamainini vavo.

“Mukomana akarohwa nzeve ikazvimba apo akanga apihwa mwana achitamba naye achibva amudonhedza vachibva vamurova nzeve ikazvimba. Ndine shuviro yekuti kudai vana ava vaendeswa kumisha inochengeta nherera nekuti kutaura chokwadi hapasati pava neshanduko.

“Vana vanofanira kuendeswa panzvimbo yavanogara vachidzidza zvakanaka. Baba vavo ndikataura navo vanongoti pava neshanduko nekuti semunhu wemurume, haangataure zvakaipa pamusoro pemudzimai waari kugara naye. Vana ndivo vanongotambura,” vanodaro.

Kana kuine vanoziva kune vana vari kushungurudzwa, tizivisei pa”Regai dzive shiri” panhare dzinoti 0714 200 007 kana 0713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey