‘Mwoyo wangu uri panaMayweather’

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Mwoyo wangu uri panaMayweather’ Tinashe Madziwana

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva Tinashe “Chairman” Mwadziwana anoti tsiva ndiwo hupenyu hwake uye anoyemura zvikuru mutambi ane mukurumbira Floyd “Money” Mayweather (Jnr) zvekuti akasvika pakutumidza mwanakomana wake zita rekuti Floyd.

“Ini pasi rose Floyd Mayweather (Jnr) ndicho chibaba chetsiva, hakuna mumwe anotevera. Ndiye wandinoyemura nekuti akaita zvikuru mumutambo uyu. Ndinomuda chaizvo zvekuti mwanakomana wangu ndakatomupa zita rekuti Floyd, kubva kuna Mayweather,” anodaro.

Pavatambi vepasi rose, Mwadziwana anoti anoshuvira kumbosangana naPaulus Ambunda wekuNamibia uyo anoti anotamba tsiva yepamusoro.

“Paulus Ambunda wekuNamibia ishasha, ndakamuona achitamba ndikatorwa mwoyo nekugona kwake. Ini ndinoda kusangana naye uye ndinoziva kuti tichasangana chete nerimwe zuva,” anodaro Mwadziwana.

Anoti haambofa akakanganwa mutambo wake wekuMalawi weBantamweight mugore ra2015 apo akarova Robert Kachiza wekunyika iyi kusvika afenda muround rechipiri sezvo wakamusimudzira zvikuru kusvikira paari nhasi uno. Kurova kwaakaita Kachiza kusvikira afenda kwakakatyamadza gurukota rezvemitambo nekusimudzirwa kwevechidiki rekuMalawi Grace Obama Chiumia ndokuti kukundwa kwake kwakanyadzisa nyika.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Mwadziwana – uyo parizvino anova Zimbabwe National Super Bantanweight Champion – anoti mutambo wake wa2015 ndemumwe wemitambo yakamubatsira kusimukira kusvika ave shasha yemuZimbabwe.

“Ndichiri kurangarira zvikuru gore ra2015 ndakabika Kachiza munyika make kuMalawi, ndakamubinha akafenda muround rechipiri. Gurukota remitambo rekunyika yavo Grace Obama Chiumia avo vaive munhandare vachiona mutambo uyu vakauya kuzondikorokotedza ndokundipa jezi reLiverpool rekunditenda nematambiro andainge ndaita.

“Kubva ipapo handina kubva ndambomira, ndakaramba ndichingokavira bhora mberi sezvo shuviro yangu kuti ndive mumwe wevatambi vakuru vetsiva munyika ino,” anodaro Mwadziwana.

Mugore ra2017, Mwadziwana akazosangana naKachiza zvakare kuStodart Hall kuMbare, muHarare. Mwadziwana akahwina zvakare mutambo uyu ndokupihwa mubairo wekombi, sitendi yemba nemari US$2 000 napuromota wake aimutsigira.

Anoti hupenyu hwake hwaave kurarama parizvino kuburikidza netsiva.

“Kugara kwandave kuita izvezvi kuburikidza netsiva, mutambo uyu waita kuti ndive neimba yandinoti yanguwo yandakavaka uye ndine kombi inondiwanisawo mari pandinenge ndisingarwe. Zvinhu zvinofadza zvikuru kuti basa rako riri kukupa raramo uye zvinokutuma kuti urambe uchishanda nesimba,” anodaro.

Kubva achitanga tsiva, Mwadziwana atamba mitambo 28 ndokuhwina 17 uye akakundwa 11.

Parizvino ndiye ane bhande reZimbabwe Super Bantamweight iro raakahwina mugore ra2018 uye ari kuronga kurwa kurichengetedza mwedzi uno mumutambo uchiri kurongwa nemapuromota ake.

Kana akakwanisa kurichengetedza, tarisiro yake kutanga kurwira mamwe mabhande makuru ekunze akadai seWorld Boxing Union (WBU) neWorld Boxing Organisation (WBO).

“Parizvino ndine mutambo uchiri kurongwa kuti ndigorwira kuchengetedza bhande rangu reZimbabwe National Bantamweight. Kana ndikakwanisa kuhwina zvinoreva kuti ndinenge ndave kusimukira kuenda mberi mumutambo uyu ndave kukwanisa kurwira mamwe mabhande ekunze. Saka mutambo uchiri pakurongwa handisati ndanyatsoziva zvizere sezvo puromota wangu ari kumhanya-mhanya kugadzirisa. Ini ndiri kuita gadziriro dzangu ndakangomirira kunzwa kuti mutambo wakutsva,” anodaro.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey