NAAZ yotumira shangwiti kuNigeria

24 Jun, 2021 - 11:06 0 Views
NAAZ  yotumira shangwiti kuNigeria

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) rinoti rakanyorera kuHurumende richikumbira mvumo kuti rigotumira shangwiti dzerelay kunokwikwidza kumujaho weMoC relays (4×100) uyo uchaitirwa kuLagos kuNigeria svondo rino.

NAAZ yakashevedzwa kumutambo uyu neThe Athletics Federation of Nigeria (AFN) uye chikwata cheZimbabwe chinofanirwa kunge chave kuNigeria musi weChishanu chino chichigadzirira mujaho uyu uchamhanywa musi weMugovera neSvondo.

Mutungamiri weNAAZ — Tendai Tagara — anoti sangano ravo richiri rakamira mhinduro kubva kuHurumende uye kunzwa kubva kuAFN nevakotsveri vemutambo uyu kuti vagotumira matikiti endege nemaVisa evamhanyi vavo vavachatumira.

“Takangomirira kunzwa kubva kuHurumende yedu kuti tozvifambisa sei parwendo urwu uye kubva kuAFN nevakotsveri vemutambo uyu vekuNigeria avo vakatidana kuti tiende kunokwikwidza. Mujaho uyu uchashanda mukurwira zvekare tikiti rekuenda kumaOlympics saka tiri kuukoshesa zvakanyanya. Kana tapihwa mvumo, chikwata chedu chinofanira kunge chave kuNigeria musi weChishanu, choswera chakazorora chiriko nekuti musi weMugovera chinenge chakatobvondoka kumujaho uhu,” anodaro Tagara.

Anoti iye zvino havasati vaziva kuti ndevapi vatambi vavachasarudza kuti vapinde muchikwata ichi sezvo vari kumbomirira mvumo yekuenda ndipo vozotanga kudoma vatambi vekutakura.

“Pari zvino hatisati tave nechikwata asi vatinogona kutumira ndevari kurwira kuenda kumaOlympics vanosanganisira Ngoni Makusha, Chengetai Mapaya, Kundai Maguranyanga, Tinotenda Matienda nevamwe vari kurwira kuenda kuIAAF World championships,” anodaro Tagara.

Share This:

Sponsored Links