NAC inotenda vatori venhau

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
NAC inotenda vatori venhau

Kwayedza

VATORI venhau vanomwe vekumapoka akasiyana nemusi weMuvhuro vakapembedzwa nekuwaniswa mibairo yekunyora zvine udzamu nyaya dzinobatsira mukurwisa utachiona hweHIV nesangano reNational AIDS Council (NAC) pamabiko akaitirwa paimwe hotera muHarare.

Vakaenda nemibairo iyi inosanganisira mari, menduru nezvitupa vakawanda vavo ndevekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, avo vanoti Tinomuda Chakanyuka weThe Sunday News, Thandeka Moyo (Chronicle), Mirirai Nsingo (The Saturday Herald) naShamiso Yikoniko (The Sunday Mail).

Vachitaura pagungano iri, chamangwiza weNAC, Dr Tapuwa Magure, vanoti gore rino rava repiri vachipa mibairo kuvatori venhau.

“Mibairo iyi inoita kuti tirambe tichiumba ukama hwakasimba nevatori venhau mukurwisa HIV munyika uye zvechokwadi tiri kuona shanduka zvichitevera kuderera kwenyaya dzeHIV muZimbabwe kubva mumakore adarika. Vanhu vanofanira kuziva kuti HIV inotapurirwana sei uye dziviriro yacho, nokudaro vatori venhau vari kuita basa guru mukufundisa nyika,” vanodaro.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuNAC, Mai Madeleine Dube, vanoti gore rino vakawedzera huwandu hwevatori venhau vavakapa mibairo kuenda pavanomwe kubva pavatatu avo vakawana mibairo iyi gore rapera.

Vanoti kusarudzwa kwakaitwa vatori venhau ava kwakabva muongororo yakaitwa nenyanzvi kuNAC.

Zvichakadai, Thandeka Moyo akawaniswa mubairo wekunopinda musangano mukuru weInternational Conference on AIDS and STIs in Africa (ICASA) uchaitwa mukupera kwegore rino apo Chakanyuka achaenda kugungano reInternational AIDS Conference richaitwa kuNetherlands svondo rinouya.

Tariro Makanga-Chikumbirike, uyo anova nhengo yebhodhi reNAC, anoti kushambadzwa kwenyaya dzeHIV kuri kuramba kuchikura mumapoka enhau zvinova zviri kuunza shanduko munyaya dzeutano.

Share This:

Sponsored Links