NAC yorwisa HIV kumakorokoza

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
NAC yorwisa HIV kumakorokoza

Kwayedza

Phillipa Chinhoi-Mukome
MAMWE madzimai anoita basa rekutengesa miviri vari kubuda pachena kuti mari ine chitema uye iri kuvatuma kuenda pabonde nemakorokoza ayo asingade kushandisa dziviriro izvo zviri kuvaisa panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevanhukadzi vanoita basa rekutengesa miviri yavo kunzvimbo dzakaita seZenda Mine uko kunoitwa chikorokoza kuGokwe apo yaive yashanya pasi pechirongwa chaikotsverwa nesangano reNational AIDS Council (NAC).

Vanhukadzi ava vakakumbirisa zvikuru kuti mazita avo chaiwo asaburitswe nekudaro tichavapa mamwe mazita.

Mumwe musikana anoita basa rekutengesa muviri wake kunzvimbo yeZenda Mine, Albertina (21) anoti akasvika pakutapurirwa utachiona hweHIV gore radarika apo akapinda pabonde nemakorokoza asina kushandisa dziviriro yemakondomu.

“Hupenyu hwedu tiri panguva yakaoma chaiyo, makorokoza haadi kupfeka makondomu uye tinopedzisira tave kuzadzana HIV pano nekuti tinenge tichingotenderedzana.

“Ini pandiri pano gore radarika ndakatoibatira wena, apa ndakawana mukomana anondida, anoda kundiroora saka ndave kushaya kuti ndomuudza sei kuti ini ndave neHIV.

“Naye tiri kuenda pabonde tisingadzivirire, ndave kutya kumuzadzawo,” anodaro Albertina.

Alice (18) anotiwo akasiira chikoro panzira ave mugwaro reFomu 3 ndokuenda kuZenda Mine kunoita basa rekutengesa muviri wake sezvo hupenyu hwainge hwakamuomera.

Alice anobuda pachena kuti anotya zvikuru kutapurirwa utachiona hweHIV asi dzimwe dzenguva nekuda mari anopedzisira aenda pabonde asina kuzvidzivira nemakorokoza izvo zvinomuisa panjodzi yekutapurirwa chirwere ichi.

Asi anoti mamwe makorokoza ave kuita achinzwisisa kuti makondomu akakosha nekudaro vave kuita bonde vakadzivirira.

“Ini chirwere cheHIV ndinochitya zvikuru asi nekuda kwemari dzimwe dzenguva ndinopedzisira ndaenda pabonde ndisina kuzvidzivira izvo zvakaipisisa zvikuru.

“Mukorokoza ukamuudza kuti hazviite kuti tirare pasina kondomu anokuburitsira mazimari tozopedzisira tatongoita. Zvinondityisa nekuti handidi kuwana HIV ini. Asi pave nevamwe vave kuziva kuti kondomu rinokosha uye rinopfekwa tinoita navo takasununguka,” anodaro Alice.

Mumwe mudzimai anoita basa rekutengesa zvekudya panzvimbo ine makorokoza iyi – uyo watichapa zita rekuti Stembiso (19)  – anoti murume wake anoita zvechikorokoza uye ari kuenda pabonde nemadzimai makuru kwaari asingazvidzivirire nekudaro iyewo ave kutya kutapurirwa zvirwere zvepabonde kusanganisira HIV.

“Ini ndinototya kuzadzwa HIV nekuti murume wangu pese paanoenda kubasa ravo rechikorokoza iri anoita nguva ndefu ariko saka kune madzimai vakuru kwaari vaanenge achisasana navo vasingazvidzivirire.

“Izvi zvinondityisa nekuti zvinogona kundiunzira utachiona hweHIV uye ini handidi kuzadzwa nekuti ndine mwana mudiki, ndikafa anosara achichengetwa nani?” anodaro Stembiso.

Stembiso anoti akapihwa pamuviri asati abva zera izvo zvakamutuma kuti asiire chikoro panzira uye ndokudzingwa kumba kwevabereki vake achinogara nemurume wake.

Vamwe varume vari muchikorokoza vanoti havadi kunzwa zvemakondomu nekuti kana vakaapfeka bonde racho harizonakidza.

Mugove (28) anoti anopa vanhukadzi vaanoita navo bonde mari yakawanda zvikuru kuitira kuti vabvume kusangana naye pasina dziviriro.

“Kana mudzimai akaramba kundipa yekedero ndomuwedzera mari kuti atondipe nekuti chii chinonakidza kudya chihwitsi chakaputirwa?” anodaro Mugove.

Muchinda uyu anobuda pachena kuti chipfambi chiri kuitwa panzvimbo yeZenda Mine chiri kukonzera kuparara kwemhuri zhinji.

“Pano pane basa kani, chipfambi chiri kuitwa pano chiri kumberi veduwe. Mhuri zhinji dzaparara nekuti baba vanenge vachikecha, madzimaiwo vopedzisira vave kuita chipfambi varwadziwa nekuti varume vavo vari kukecha saka utachiona hwacho hunototenderera.

Josphat (38) anoti haatodi kuongororwa ropa rake kuti azive paamire.

“VeNAC vari kupa chaizvo makondomu asi isisu vanhu vacho hatisi kuda kunzwisisa,” anodaro.

VaIsaki Chiwara avo vanove District AIDS Coodinator (DAC) kuGokwe vanoti vari kushanda nesimba kuti munhu wose azive paamire maringe neutachiona hweHIV.

“Nzvimbo yeZenda Mine inonetsa zvikuru kusvika kana iri nguva yokunaya nekuti migwagwa yacho yachereka zvikuru,” vanodaro VaChiwara.

Vanoenderera mberi vachiti, “NAC iri kuita chirongwa chekupa makondomu munzvimbo dzakadai sepanokwirirwa makombi, misika inotengeswa mbatya nemumabhawa. Pane mahwindi ari kuitawo basa iri rekupa veruzhinji makondomu ayo vanozivikanwa nezita rekuti Condom Champions,” vanodaro.

Zvakadai, zvakakosha kuti munhu wose azive paamire kuburikidza nekuvhenekwa HIV.

Pamusoro pezvo, kushandiswa kwemakondomu nemazvo panguva yebonde kwakakoshawo zvikuru mukudzivirira kutapurirana zvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey