NAC yorwisa HIV negomarara

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
NAC yorwisa HIV negomarara Imwe yeshambadziro irikuitwa neNAC kuyambira nezvegomarara.

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa
ZVIRWERE zvine zviratidzo zviri kuramba zvichiva mutoro mukuru muZimbabwe sezvo zviri kukonzera ndufu dzevanhu vane chikamu che74 percent apo zvirwere zvisina zviratidzo zvichikonzera chikamu chendufu che21 percent.

MuZimbabwe, nyaya 5 000 itsva dzezvirwere zvegomarara dziri kurekodwa pagore uye mukati meizvi vanhu 1 500 vakarasikirwa neupenyu. Chikamu che60 percent chezvirwere zvegomarara izvi chinodyidzana neHIV.

Chirwere chegomarara chinovapo kana muviri ukatanga kugadzira mamwe nasero (cells) zvisina zororo. Ongororo yakaitwa nesangano rinoona nezvegomarara reZimbabwe National Cancer Registry (ZNCR) inoratidza kuti huwandu hwezvirwere zvegomarara huri kuramba huchiwedzera zvikuru mumhando dzegomarara dzinofambirana neutachiona kana mabhakitiriya. Ongororo iyi inoratidza kuti vanhu vanobatwa negomarara vanokurumidza kurasikirwa neupeyu kana vakasawaniswa rubatsiro rwechimbi-chimbi.

Kune mhando dzegomarara dzinowanzobata vanhu vane utachiona hweHIV dzakadai seKaposi Sarcoma, Non-Hodgkins Lymphoma, Primary Central Nervous System (CNS) Lymphoma negomarara remuchibereko.

Zvisinei, mhando dzegomarara idzi dzinobatawo zvakare vanhu vasina utachiona hweHIV. Mhando dzegomarara dzisina kunyanya kuwanda dzinosanganisira gomarara remumukanwa, repahuro, rechiropa, remumapapu, repanzvimbo inobuda netsvina, remuura, reganda nedzimwe nhengo dzemuviri.

MuZimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rakatungamiririra chirongwa chekutanga chekurwisa zvirwere zvegomarara. Sangano reNAC riri kushandawo zvikuru mukurwisa zvirwere zvegomarara izvo zvinodyidzana neHIV.

Chikamu che60 percent chezvirwere zvegomarara zvinofambirana neHIV. Izvi zvakaita kuti NAC inge ichifambisa zvirongwa zvekurwisa gomarara kuburikidza nekuwanisa mishonga yemaAnti-retroviral drugs senzira yekuderedza ukasha hweHIV muvanhu vane zvirwere zvegomarara.

NAC iri kubatsira zvakare muchirongwa chekuvhenekwa kwegomarara remuchibereko kumadzimai ane HIV muzvipatara zvese zvinorapa zvirwere zvinouya apo munhu anenge abatwa neutachiona hweHIV (Opportunistic Clinics). Kubvira mugore ra2012, sangano reNAC rakanga riri kutenga mishonga inorwisa zvirwere zvegomarara yakadai seBleomycin,  Methotrexate, Cisplatin neDoxorubicin, pakati pezvimwe.

Sangano reNAC rakanga riri kutsigira mukutengwa kwemichina yekuvheneka gomarara uye mishonga inodzivirira gomarara inokosha US$1 miriyoni  pagore mumakore mana adarika.

NAC yakatenga zvakare muchina unovheneka gomarara remuzamu weMammogram unokosha US$500 000 weMpilo Hospital  kuBulawayo. Munguva pfupi yadarika, NAC yakapa michina 16 yemhando yeTruscreen yekuvheneka gomarara remuchibereko iyo ichaendeswa kuzvipatara zvekumaruwa.

Kushaikwa kweruzivo kuvanhu munharaunda kwakaonekwa kuchiita kuti vamwe vabatwe negomarara vasingazive uye senzira yekuvhara mukaha uyu, sangano reNAC rakatanga chirongwa cheNational Cancer Prevention and Control Strategy for Zimbabwe 2014 – 2018.

NAC ine hurongwa hwekurwisa gomarara nekuona kuti zvipatara zvinorapa pamwe nekuvheneka gomarara zvapinda munzvimbo dzese dzinogara vanhu kumaguta nekumaruwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey