NAC yoshanda nevarapi vechivanhu, vemachechi

24 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SANGANO reNational AIDS Council – rakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana – rosimbaradza kushanda kwarinoita nevarapi vechivanhu nevemachechi senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cherurindi neHIV.

Nguva pfupi yadarika, mapoka aya akaita musangano kuChinhoyi apo vaipangana mazano pamusoro pekurwisa rurindi neHIV.

Chirongwa chekurwisa chirwere cherurindi munyika chinotsigirwa nesangano reGlobal Fund neNAC.    Zvimwe zvinangwa zvemusangano uyu ndezvekugoverana ruzivo maringe nezviratidzo zverurindi pamwe nebasa anoitwa nevarapi vechivanhu nevemachechi mukurwisa chirwere ichi.

Vakafanobata chigaro chachamangwiza weNAC VaRaymond Yekeye – mumashoko avo avakaverengwa naVaAmon Mpofu vanova Monitoring and Evaluation Ofiicer kuNAC – vanoti vari kushanda pamwe nevarapi vechivanhu nevemachechi nechikonzero chekuti vanhu vanoremekedzwa munzvimbo dzavanogara.

“Varapi vechivanhu nevemakereke vanoremekedzwa zvikuru neruzhinji rwevanhu apo vanoenda kwavari vachitsvaga rubatsiro saka kana tikashanda navo vachitumirawo varwere kuchipatara, zvinobatsira mukusimudzira nyaya dzeutano,” vanodaro.

Vanoti kana varapi ava vakawaniswa ruzivo maringe nezvechirwere cherurindi neHIV vanozofundisawo varapwa vavo.

Zvakaonekwa kuti chikamu che80 percent chevanhu kana vachinge varwara vanotanga vashanyira varapi vechivanhu vasati vaenda kuzvipatara.

“Zvakakosha kuti varapi vechivanhu nevemachechi vange vachibatsira mukuderedza kunyuka kwezvirwere zverurindi kuti vasatapurirwe kana kutapurira varapwa kuburikidza nekuti vange vachirapwa,” vanodaro.

Mumwe wevaive pamusangano uyu, Melody Nyakudanga, anoti vakabatsirika zvikuru kubva pachirongwa ichi.

“Ndadzidza kuti kunyangwe ndichipa vanhu mvura dzemuteuro ndinofanira kuvakurudzira kuti vaende kuchipatara kunorapwa pamwe nekuvhenekwa HIV nerurindi pasina kuvasarura,” anodaro.

Mumwe murapi wechivanhu anova nhengo yeZimbabwe National Practioner’s Association – VaGwinyai Rutsito – vanoti vanotenda zvikuru zvirongwa zvemhando iyi.

“Ndadzidza zvakawanda nekuti handaiziva kuti chirwere cherurindi chinotapurirana saka ndadzidza kuti zvakakosha kuti vanhu vakurumidze kuvhenekwa nekurapwa kuti chisapararire,” vanodaro.

Zimbabwe iri pakati pedzimwe nyika dziri kutambudzwa nechirwere cherurindi apo iri panhamba 30.

Varwere verurindi neHIV vane chikamu che7-8 percent chekurambwa nemishonga pagore muZimbabwe.

Musangano uyu wakapindwa nenhengo dzevarapi vechivanhu, vemachechi, bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, NAC uye neWorld Health Organisation.

Share This:

Sponsored Links