Uncategorized

Nadzo rondedzero

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TINOFAMBIRA mberi tichibata mhando dzerondedzero. Tinoda kubata dzose kuitira kuti paya patinenge tonyora bvunzo, tigorerukirwa nekusarudza misoro yenyaya. Tinoda kubisa dambudziko riya rekuti mwana anoomerwa nekushaya kuti onyorei nekuti akajairira mhando imwechete. Vana ngavatowandirwa nemisoro yekusarudza musi webvunzo.Pamusoro pemhando nhatu dzatakataura nezvadzo muchikamu chakapfuura tinosangana nedzimwe mhando muchikamu chino. Kune mhando inoburitsa vanhu vachitaurirana pamusoro pechiitiko chinenge chaita mukurumbira munharaunda. Kazhinji panenge paine vanhu vaviri vanenge vachikurukurirana.

Panhaurirano hapapiwi musoro wenyaya asi kuti panopiwa pfungwa dzekuti munyori akwanise kuburitsa dingindira renyaya iro rinogadzira hwaro hwenhaurirano yacho. Panoita mupiri wezviri kuitika (narrator) uyo anozivisa mukwenyi webasa kana muverengi wenyaya kuti nhaurirano ichava yei.

Vanotaurirana vanozonyorwa mazita avo nezvanotaura kumberi kusvika nhaurirano yacho yapera.

Kune rondedzero yegakava. Iyi mhando inoda kusevenzesa pfungwa zvakapinza nekuti panodiwa kuti mwana akwanise kupikisa nekuenzanisa zvinhu nekuti pane gakava.

Munyori anofanirwa kutanga kutaura achikoshesa mativi ose ari maviri ozopedzisira nekutorana nedivi rimwe raanozosarudza nekutsigira.

Mukutsigira ikoko anofanirwa kupota achinobata kudivi riya raasiya achipawo charakaipira. Mhando iyi inorasisa vana kazhinji nekuti vanotarisa divi rimwechete vobva vati takarasima naro. Vanokwenya basa vanobva vati hapana kukakavara kwaitika. Panogona kuuya musoro wenyaya unotaura pamusoro pegakava unoti, Zviri nani kuendesa mwanakomana kuchikoro pane kuendesa musikana. Mazuva ano pane musoro wenyaya waita mbiri yekuti hausi kushaikwa pabvunzo kunyanya kupepa rechirungu. Musoro uyu ndewe kuzivisa chiitiko (report).

Mhando iyi inoda zvakare vana vakachangamuka nekuti ukavarairwa unogona kuinyora senhoroondo (narrative) wobuda mugwara. Musoro wenyaya uyu kazhinji unonyorwa sezvinhu zviri mukuitika (present tense) sekuti, “DeMbare yozvindikita Makepekepe senyoka yapinda mumba.”

Pamhando iyi panoda zuva rechiitiko kuti rinyorwe poda zvakare zita remunyori uye nenzvimbo yaari kunyora ari. Panodiwa kuti panyorwe nemazvo chaimo maitikiro akaita zvinhu zvacho. Panoda kuti utaure semunhu ari kuzivisa vanhu chiitiko chakaiitika mungave munharaunda kana munyika. Kunze kwemitambo yenhabvu unogona kutaura pamusoro petsaona yawaona ichiitika.

Rondedzero dzatanyora nekutaura pamusoro padzo dzinoda kuti tidzidziidzire uye kuti tizive marungirwo emutauro wemhando nemhando. Kuti tipedze nyaya yekunyorwa kwerondedzero tinofanirwa kutobata tsamba nekuti dzinowanikwa dzirimowo asi dzichinyorwa zvakasiyana. Tichaongorora zvikuru manyorerwo etsamba muzvikamu zvinotevera. Kashoma kuti bvunzo redu rigouya risina tsamba. Nekuda kweizvozvo tinofanirwa kudzipa nguva yadzo.

Share This:

Sponsored Links