Nakamba adzoka muEPL

29 May, 2023 - 11:05 0 Views
Nakamba adzoka muEPL Marvelous Nakamba

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weWarriors neLuton Town, Marvelous Nakamba, adzoka kutamba muEnglish Premiership zvichitevera kuhwina kwaita chikwata chake nhasi apo chakunda cheCoventry City 6-5 kumapena.

Nakamba anwisawo mumutambo wanga wakaoma uyu uye ndiye asarudzwa kuti atamba kudarika vamwe vese — Man of the Match.

Mutambo wanga wapera uri mangange 1-1 ndokuzoenda kumapena uko kwazohwinira Luton Town.

Luton Town yabva yatevera Burnely neSheffield United idzo dzange dzakabudirira kupinda muPremier League uye mwaka unotevera ichange ichitambira nhabvu yayo muEPL.

Pachapera mwaka wegore rino, hurukuro dzichatanga pakati peLuton Town neAston Villa kuti zvigozivikanwa kuti Nakamba achange achitambira nhabvu yake kuchikwata chipi mwaka unotevera.

Asi vanotaura vari kuti dai akasadzokera kuVilla uko ange ogariswa pabhenji.

Mwaka uno Nakamba ange asiri muhurongwa hwaSteven Gerrard kuVilla pamwe chete naUnai Emery uyo akazotsiva Gerrard pachigaro chinopisa kuVilla.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey