Nakamba atamba mutambo wekutanga kuLuton Town

09 Feb, 2023 - 11:02 0 Views
Nakamba atamba mutambo wekutanga kuLuton Town MARVELOUS Nakamba (kurudyi) achimakwa naJacob Brown weStoke City

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors — Marvelous Nakamba — nemusi weMugovera svondo radarika akatamba mutambo wekutanga kuchikwata chake chitsva cheLuton Town FC apo chakakunda Stoke City 1-0.

Nakamba akatumirwa kuLuton Town FC, iyo inotambira muEnglish Championship, nechikwereti neAston Villa sezvo akange asiri kukwana muchikwata chaUnai Emery.

Mumutambo weLuton Town FC neStoke City, Nakamba akatanga akagara pabhenji ndokuzopinda mutambo uyu watambwa maminitsi 62 uye ndokubatsira chikwata chake kuti chihwine 1-0.

Mutambo unotevera weLuton Town wemuEnglish Championship, ichasangana neCoventry City nemusi weMugovera kunhandare yeCoventry Building Society Arena.

Luton Town FC yakagara pechina muEnglish Championship uye iri kurwira kuti igopinda muEngland Premier League mwaka unotevera.

Nerimwewo divi, mumutambo weEngland Premier League – Jordan Zemura – akatamba mutambo wese apo chikwata chake cheAFC Bournemouth chakakundwa 1-0 neBrighton and Hove nemusi weMugovera.

Bournemouth iri kufanirwa kutokunya dzisimbe nekuti ikaramba ichikundwa inogona kuburitswa muEPL yodzokera kuChampionship. KuFrance, mutambi weStade de Reims — Marshall Munetsi — akatamba mutambo wese apo chikwata chake chakaita mangange 0-0 neAJ Auxerre nemusi weSvondo wadarika.

Chikwata chaMunetsi chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura izvo zvaona chisina kumbokundwa mumitambo 16 yadarika.

Kuchitiwo kuSpain, Tino Kadewere ainge akagara pabhenji apo chikwata chake cheMallorca chakakunda cheReal Madrid 1-0 mumutambo weSpanish LaLiga.

Share This:

Sponsored Links