. . . nyama yacho yogoverwa vakatarisana nenzara
NAMIBIA iri kuronga kuuraya mhuka dzesango dzinodarika 700 dzinosanganisira nzou, mbizi nemvuu – nyama yacho yogoverwa kuvanhu vari kunetseka kuwana chikafu apo nyika iyi yakatarisana nenzara yakonzerwa nekusanaya kwemvura kwakaipisisa mumakore zana adarika.
Mhuka dziri kuda kuuraiwa dzinosanganisira nzou makumi masere nenhatu, mvuu makumi matatu, nyati makumi matanhatu uye mhara nembizi, bazi rinoona nezvenharaunda, masango pamwe nekushanyirwa kwenyika iyi rakazivisa muchinyorwa nemusi weMuvhuro wadarika.
Mhuka idzi dzinonzi dzichauraiwa nenyanzvi dzinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka.
Chinangwa chechirongwa ichi ndechekubatsira kuderedza dambudziko renzara zvikonzerwa nekusanaya kwemvura munyika iyi.
Namibia yakazivisa mamiriro enzara senjodzi huru munaChivabvu nekuda kwekukura kwedambudziko iri.
Vanhu vanosvika 1,4 miriyoni, chinove chidimbu chevanhu vose vari munyika iyi, vanonzi vanogona kuda rubatsiro rwechikafu.
Bazi iri rinoti chirongwa chekuuraya mhuka ichi chine chinangwa chekuderedzawo huwandu hwadzo sezvo dzawandisa kudarika mafuro aripo.
“Nekuda kweizvi, nzou makumi masere nenhatu kubva kunzvimbo kwadzinogara dzichirwisana vanhu dzichauraiwa uye nyama yacho ichagoverwa pasi pechirongwa chekurwisa nzara,” rinodaro bazi iri.
Nyika dziri mudunhu reSouthern Africa dzine nzou dzinopfuura 200 000.
Mhuka idzi dziri kunyanya kuvhiringwa nekusanaya kwemvura zvakanaka uye zvinonzi mazana ezviuru zvadzo akafa mudunhu rose gore rakapera nekuda kwekushomeka kwemvura yekunwa nemafuro.
Mhuka dzinopfuura 150 dzakatouraiwa kuNamibia, dzichipa nyama inodarika mapaundi zana nemakumi mashanu.
“Tinofara kuti tinokwanisa kubatsira nyika munguva ino yakaoma kudai,” rinodaro bazi iri.
Namibia imwe yenyika dzakati wandei kuchamhembe kweAfrica dziri kunetseka nekusanaya kwemvura zvichikonzerwa neEl Niño. – CNN