Uncategorized

N’anga Ndunge akavigwa

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
N’anga Ndunge akavigwa Sekuru Ndunge

Kwayedza

Kingstone Mapupu
N’ANGA ine mukurumbira kuChipinge, Sekuru Charles Makuyana Ndunge, avo vakashaya neMuvhuro, vakavigwa neChitatu svondo rino.

Vanga vava nemakore 87 okuzvarwa. Svondo rapera, Kwayedza yakaburitsa nyaya yen’anga iyi ichiti iyo, mhuri yayo pamwe chete nevanhu vakawanda vainge vanotsvaga rubatsiro kwairi, vakapona munjodzi yemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai iyo yakaparadza misha mizhinji kuChipinge nekuChimanimani.

Mwanakomana wen’anga iyi, Jabulani Ndunge (44), anoti: “Zvafamba zvakanaka pakuviga baba vedu. Nhoroondo yababa ndevekuMozambique avo vakazotamira muZimbabwe munguva yehondo yeChimurenga ndokusvikogara pano pamusha patavaviga. Vanga vaine chipari chemadzimai maviri apo vakaita vana gumi nemumwe, mudzimai mudiki ndokufa kukasara vahosi. Vana tasara 8 sezvo vatatu vakashaika,” anodaro Jabulani.

Sekuru Ndunge vanonzi vanga vaine denda reshuga.

Zvichakadai, Jabulani anoramba mashoko ari kufamba padandemutande anoti kune vanhu vakatora mishonga nezvidhoma kuna baba vake avo vari kumhanyidzana kunoidzosera.

“Manyepo, hakuna zvinhu zvakadaro. Isu tiri kuchema nevanhu vacho vaibatsirwa nababa,” anodaro.

Sekuru Ndunge vaiva nembiri yekunzi vaipa vanhu mishonga yekuromba nezvimwe zvakasiyana.

Pane imwe nyaya yakambobuda yemudzimai anonzi akaenda kwavari abirwa vakatuma shiri yakanomutorera zvinhu zvaainge abirwa pamusika weMbare, muHarare.

“Nyaya yekuti tsvimbo dzehun’anga dzichapihwa ani haisati yataurwa asi tine hanzvadzi inonzi Nyerai Ndunge (66) uyo anga agara ari n’anga nechekare uye anga achishanda nababa achishandiswa nemidzimu yedzinza redu yekwaNdunge asi kwete kuti ndiye ari kutora tsvimbo dzababa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links