Uncategorized

N’anga nemaporofita vanoda dzidzo

29 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
N’anga nemaporofita vanoda dzidzo Sekuru Chisanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinomirira machiremba vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practioners’ Association, rinoti zvakakosha kuti varapi ava vawaniswe ruzivo ruzere pamusoro pekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru wesangano iri, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vari kuita misangano nenhengo dzavo vachidzidzisa pamusoro pekudzivirira kupararira kwechirwere ichi sezvo chiri chitsva kwavari.

“Tiri kuita misangano tichikurudzira varapi vedu kuti vasiyane netsika yekuunganidza vanhu sezvataiita kare nekuti chirwere cheCovid-19 chinobva chatowana mukana wekupararira nyore. Takaumba zvikwata zvemaWhatsApp izvo tinovatumira mashoko echenjedzo atinowaniswa nebazi rezveutano uye tinokurudzira veruzhinji kuti vatizivise kana vachinge vaona pane pari kutyorwa kodzero dzavo kuti titore matanho nekukasika,” vanodaro.

Vanoti varapi vavo vazhinji havana kufunda, asi kana vakawaniswa ruzivo vanotevedza.

“Chikamu che80 percent chevanhu vari munyika vanotanga vaenda kunotsvaga rubatsiro rwekurapwa kuvarapi vechivanhu – n’anga kana maporofita – vasati vaenda kuzvipatara, nekudaro varapi vedu nevarwere vanoenda kwavari vari panyatwa yekutapurirwa chirwere cheCovid-19, HIV, rurindi nezvimwe. Dzidziso yedziviriro nekuvawanisa zvekushandisa ndiyo yakakosha,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti imhosva huru kuwana murapi anozvishambadza nekunyepera vanhu kuti ane mishonga inorapa Covid-19 kana HIV sezvo zvirwere izvi zvisati zvawanirwa mishonga.

Kushaikwa kweruzivo rwakakwana maringe neCovid-19 pakati pevarapi vechivanhu nevemakereke kunonzi kunogona kukonzera kupararira kwechirwere ichi.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti vamwe varapi vechivanhu havana ruzivo pamusoro penzira kwadzo dzekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Parimwe sowe riri kuChitungwiza, munyori uno akakurukura naMadzimai Memory Tarusenga vechechi yeJohanne Masowe avo vanoti mutemo wekereke yavo hautendere kushandiswa kwezvimwe zvinhu zvakarerekera kumishonga semasanitiser kana sipo.

“Tinobatsirwa nemweya mutsvene pane zvose zvatinoita, saka tinokwanisa kuona kuti munhu ari kuuya ane denda rakati, tobva tagara tamugarisa kunze kwemusasa kuti asatapurire vamwe. Isu zvedu tinorapa nemvura nenhombo (matombo),” vanodaro.

Vanoti chirwere cheCovid-19 vakanzwa nezvacho paredhiyo uye vanongochitora sechikosoro chinozodarika.

Madzimai ava vanonamatira vanhu vachiturika maoko avo mumisoro yavo vasina kupfeka magirovhosi uye pakereke ravo panoungana vanhu vakawanda.

Mutemo weTraditional Medical Practitioners’ Council of Zimbabwe (TMPC) unopa masimba kumasangano anomiririra varapi vechivanhu nevemachechi kuti vavanyorese nekuvawanisa zvitupa.

Vanenge vazotyora mutemo vanosungwa kana kutorerwa zvitupa zvebasa izvi.

Share This:

Sponsored Links