Kingstone Mapupu
MURUME anonzi aizviti in’anga ari kupomerwa kuba nyama yemombe yezvirango zvechiredzwa pamusha weimwe mhuri kwaSabhuku Chipanga kwaMashayamombe panzvimbo yemabhizimisi yeMubayira Growth point, kuMhondoro.
Nyama iyi inonzi yakabiwa pamusha wemhuri yekwaMoyana iyo yaive nehurongwa hwekuisa matombo pamakuva maviri — rasekuru wemusha uyu nemudzimai wavo.
Vazukuru vemusha uyu vanonzi vakabva varonga kubvisa mombe yechiredzwa iyo ine imwe nyama yakazobiwa nemurume anonzi aizviti in’anga uyu.
Basa iri rakatanga kuitwa nemusi wa26 Gunyana apo mhuri yose yakaungana kubva kunzvimbo dzakasiyana.
Mutauriri wemhuri iyi, Mai Betty Moyana (41) vanova mwanasikana mumusha uyu, vanoti basa rekuiswa kwematombo raizoitwa nemusi wa27 Gunyana zvaibatanidzwa nekubviswa kwemombe yechiredzwa nevazukuru vakarerwa naambuya nasekuru vane makuva aiiswa matombo ava.
“Takaungana nemusi weChishanu 26 Gunyana, mhuri yose kubva kunze kwenyika nemuno muZimbabwe. Vazukuru vakabva vabvisa mombe yavo yechiredzwa iyo yakauraiwa musi uyu. Dambudziko ratakazosangana naro manheru acho nderekuti pakazoita makuruku nemaguruvhani akazoba imwe nyama yezvirango zvemombe iyi zvikanyadzisa,” vanodaro Mai Moyana.
Vanoti vakataurirwa nevana vaiva panze kuti kune varume vaiba nyama.
“Panze paiva nevanhu vakawanda, varume vaidziya moto uye paiva nemumwe aizviti yaiva in’anga akanga auyawo kubasa iri kunyangwe taisava neukama naye. Murume uyu ndiye akanongedzwa mukubiwa kwenyama iyi zvakazopa kuti arwiswe nevanhu nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro Mai Moyana.
Vanoti murume uyu akazotiza nemukati merima asi kukashaikwa kuti nyama yaakanga aba yacho akanoiviga kupi.
“Zvakaoneka kuti nyama yakanga yabiwa ine chitsama yatisina kuziva makgs ayo uye hatizive kuti vanhu ava vaiba here vachienda kunoviga kune imwe nzvimbo kure nekuti munhu aizviti in’anga uyu paakatiza akabva asina chaakabata,” vanodaro Mai Moyana.
Vanoendererera mberi vachiti: “Hatina zvedu kuzomhan’ara nyaya iyi kumapurisa sezvo takangoita mabiko neimwe nyama yaivapo chirongwa chezvirango nechivanhu chedu chikaenderera mberi. Matombo aambuya nasekuru vedu takazoaisa nemusi weMugovera 27 Gunyana.”
Mai Moyana vanoti vanhu vanofanira kuremekedza tsika dzechivanhu vorega kuita zvakaitwa nemurume uyu anonzi akaba nyama yezvirango.
“Tinotarisira kuti n’anga dzinofanirwa kutevedza tsika dzechivanhu kwete zvakaitwa neuyo anozviti n’anga. Hatinyatsoziva kwaanogara asi anonzi anogara muno muMhondoro kunharaunda yekuno kwaMubayira,” vanodaro Mai Moyana.
Kwayedza haina kukwanisa kuonana kana kutaura nemurume anonzi akaba nyama uyu.
Sekuru Chirume Chirume vemuHarare vanoti zvakaitwa nemurume uyu hazvitaridze kuti ndichiremba wechivanhu.
“Murume uyu haasi chiremba wechivanhu imbavhawo inohwanda nekuzviita n’anga,” vanodaro Sekuru Chirume.
VaGeorge Kandiyero vanove mukuru wesangano reZinatha rinomirira machiremba echivanhu vakakurudzira kuti murume uyu asungiswe kuonekwe kuti in’anga here zvechokwadi.
“Murume uyu ari kusvibisa mazita en’anga nemachiremba echivanhu. Tinoda kutuma nyanzvi dzedu kunzvimbo iyi dzinomuongorora nekuti kune vanhu vakawanda vari kuba nemazita en’anga,” vanodaro VaKandiyero.
Mashoko avo anotsinhirwa naBishop Cuthbert Nyaruvenda mutungamiri weZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) vachiti murume uyu anofanirwa kusungwa.
“Murume uyu haasi n’anga nekuti hakuna chiremba anoita zvakadaro. Tinoda vanoziva zvizere nezvemunhu uyu vatipewo mazita ake azere nenzvimbo yaanowanikwa,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.