Uncategorized

N’anga yoitawo chayo chikamu

30 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
N’anga yoitawo  chayo chikamu Gogo Shoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIREMBA wechivanhu anogara kuUnit D, kuChitungwiza akabura nziyo mbiri dzinopa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekurwisa chirwere cheCovid-19.

VaSikhonzaphi Shoko (62) – avo vanonyanya kuzivikanwa saMbuya Shoko – vanoti vakazvipira kurwisa denda iri kuburikidza nenziyo.

Kambo kekutanga kanonzi Musangosaina uye kechipiri ndiTevedzerai.

“Mukambo Musangosaina ndinokurudzira veruzhinji kuti vasangotambira mazano ose ose kubva kuvanhu kana mamwe masangano asingazivikanwe kana takatarisana nechirwere cheCovid-19 ichi, nekuti dzimwe pfungwa dzinotirasa musango.

“Rwiyo urwu rwunokurudzira kuti tinzwe mashoko kubva kunyanzvi dzezveutano chete nekuvakuru,” vanodaro Mbuya Shoko.

Mukambo Tevedzerai, vanokurudzirawo vanhu kuti vasavarairwe asi kuti vatevedzere zvose zvinokurudzirwa nanamazvikokota vezveutano maringe nekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vanoti vane nziyo dzakawanda dziri pamusoro pekurwisa denda iri dzavasati vatsikisa dzavanoridza nechikwata chavo chinodaidzwa kuti Mbuya Shoko Music Vibes, icho vave nemakore anodarika gumi vachishanda nacho.

“Izvozvi ndine nziyo makumi matatu dzandakanyora kare nedzimwe dzandakaronga kubva kumavambo egore ra2020 kusvika iko zvino munguva yeCovid-19 dzakamirira kutsikiswa. Pane kamwe kari pamusoro pavanachiremba vechivanhu vanonyengera vanhu vachiti vane mishonga inorapa Covid-19 asi vachinyepa sezvo chirwere ichi chisati chawanirwa mushonga,” vanodaro Mbuya Shoko.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndine chikwata changu chandinobatsirwa nevaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Sulumani Chimbetu, Oskidi nevamwe mukukwenenzvera nziyo dzangu.”

Mbuya Soko vanoyambirawo vanhu kuti vaende kuzvipatara nekumakiriniki kana miviri yavo isinganzwe zvakanaka, zvikuru kana vaine zviratidzo zveCovid-19.

“Semachiremba echivanhu nevaimbi, ikurudziro yangu kuti tishandise zvose zvatinokwanisa kuti tirwise Covid-19 kubva mukuimba nezvimwe tichipa vanhu dzidziso izere,” vanodaro Gogo Shoko.

Share This:

Sponsored Links