N’anga yopumha chembere huroyi

01 Oct, 2022 - 14:10 0 Views
N’anga yopumha chembere huroyi Sekuru Chinengozi aKamhete

Kwayedza

Kingstone Mapupu

TSIKAMUTANDA ari kutenderera achiti ari kubata zvidhoma nevaroyi kupurazi reParklands 2 kuPorta, kuNorton anonzi akonzeresa sezvo kwaita kusawirirana kwevagari venzvimbo iyi, vamwe vachiti vanomuda asi vamwe vachimuramba vachiti ari kubira vanhu upfumi hwavo.

VaRichard Mhishi (32) kana kuti Sekuru Chinengozi vanobva kuBinga, avo vava kugara mubhuku raMusoni kwaMurehwa, vakawanikwa neKwayedza svondo rino vari munzvimbo iyi.

Kwayedza yakashanyira nzvimbo iyi mushure mekunge kwaita mashoko evanhu vaitsutsumwa vachiti vainangwa huroyi vachidzurwa zvinhu zvakasiyana mumiviri yavo nekubvisirwa zvinhu zvinonzi zvikwambo mudzimba dzavo.
Sabhuku Mhiti vemunzvimbo iyi vakataurwa navo panhare vachitsutsumwa zvikuru nekuda kwezviri kuitika izvi.

“Ini sasabhuku wemumwe musha uri padyo nenzvimbo iyi, ndakanzwa mashoko ekuti kune n’anga iri kubata vanhu huroyi ndokuenda ndikanoona kuti chembere neharahwa, nekuda kwezera ravo, ndivo vari kunyanya kunzi varoyi. Tina ambuya vari kunzi vabhadhare US$500 nevamwe vari kutorerwa zvakaita sechibage, huku, mbudzi nezvimwe. Hutsikamutanda haubvumirwe muno muZimbabwe,” vanodaro Sabhuku Mhiti.

Vanoti nyaya iyi vakaisvitsa kumapurisa kuti vanhu vabatsirwe uye vasashungurudzwe nen’anga iyi.
“Isu tiri vatungamiri, hatigone kuramba takanyarara vanhu vachishungurudzwa kudai. Izvozvi ndinoda kuenda kuZinatha kuti vatibatsire,” vanodaro Sabhuku Mhiti.

Sekuru Chinengozi vanoti havaende kumba kwevanhu asi kuti vane musososo wavo pasango apo panouya vanhu vachibatsirwa nekuda kwavo pasina kumanikidzwa.

“Ndakauya muno ndashevedzwa nevanhu nekuda kwematambudziko avo ekuroyiwa. Vane matambudziko vanouya voga tovabatsira, vamwe vachibatwa huroyi hunosanganisira zvikwambo, gondwawaturuka, tsvera yekurima nezvimwe zvakaipa.

“Ichokwadi, vakabatwa vakawanda muno netsvimbo yangu yandinoshandisa inonzi Akamhete. Vanenge vabatsirwa vanobhadhara voga nekugutsikana kwavo zvavanoda pasina kumanikidzwa,” inodaro n’anga iyi.
VaAlbert Bande (43) vanova mutevedzeri wasabhuku munzvimbo iyi vanoti hapana chavakaona chakaipa pakubatsirwa kwevanhu nen’anga iyi.

“Hapana chitsotsi, vanhu vari kuenda voga kuna sekuru ava vachida kubatsirwa vachiripa voga zvavanokwanisa. Izvozvi tine vanhu vari kubatwa vachibvuma voga zvinhu zvavo. Sekuru havaende kumba kwemunhu, vanhu vanouya voga nezvinhu zvavo,” vanodaro VaBande.

Mai Jesca Joseph (34) vanoti kune varume vanoshinha navo zvemishonga vachivaita madzimai pavanenge vakarara.
“Isu hatimboona chakaipa pane kubatsirwa nasekuru ava. Seni ndaiva ndaoneswa nhamo, ndaitonzwa kuti ndiri kushinhwa neni husiku ndisingade murume wangu. Muno kurambana kwanyanya nekuti vanhu vava kufarira mishonga iyi, iyo inoita kuti vanhu murambane,” vanodaro Mai Joseph.

Mai Florence Rojara (30) vanotsinhira nyaya yemubobobo iyi vachiti: “Tapfidza veduwe, kune varume tsvimborume muno nevamwe vakaroora vanongomirira kutiita izvozvo. Sekuru ava regai vashande.”

Asi kune vamwe varume zvakare vanoti munzvimbo iyi mune madzimai anoitawo zvemishonga yakaipa iyi.
VaDick Kamupira (33) vanoti vakarambwa nemukadzi nekuti mumba vaisakwanisa kufadzana naye sezvo vaipedzwa simba nekuitwa nemamwe madzimai emunzvimbo iyi.

“Mudzimai wangu akaenda nekuti ndakanga ndava kushaya simba nekugara ndichibobodzwa nemamwe madzimai emuno, ngavabatwe varoyi ava,” vanodaro VaKamupira.

Mai Sarah Bhewu (30) vanotiwo vanoshandisirwa mishonga nemurume wavanotoona kubva kuma5 mangwanani kusvika kuma6 obva aenda.

“Unogona kuitwa pungwe nevarume ivava. Gondwawaturuka rinodarika vanababa pakufadzana saka unoguma wave kutozvifarira usisade baba nekudaro dzimba dzinoparara,” vanodaro Mai Bhewu.

Prophet Joseph Motsi (48) vechechi yeVakadanwa Apostolic Church vanoti vakabatsirwawo natsikamutanda uyu mumatambudziko avaisangana nawo.

Mbuya Evelyn Funeka (63) vanoti kubva mugore ra2000, vane zvinhu zvaivatambudza kumba kwavo izvo zvakabviswa zvaisanganisira chikwambo nemupurwa zvavanoti zvaiuraya vana vavo.

“Ndakafirwa nevana vashanu asi ndakabatsirwa kukabatwa chikwambo nemupurwa mumba medu, murume wangu akabvuma kuti pane zvaanoziva. Takazobhadhara netani yechibage kuna sekuru kwete zvekumanikidzwa,” vanodaro Mbuya Funeka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey