Uncategorized

Ndabatwa nemweya wetsvina: Mbavha

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Ndabatwa nemweya  wetsvina: Mbavha Tafadzwa Kabanda akabata dzimwe mbatya dzaanonzi akaba muchitoro.

Kwayedza

Abel Ndooka

PANGUVA iyo veruzhinji vagere kudzimba uye vachidiwa matsamba ekuti vafambe nekuda kwechirwere cheCovid-19, imwe mhuri yekuChitungwiza — murume nemudzimai wake, nekamwana kacheche — vakaronga kunozvibatsira nekuba kuHarare uko vaviri ava vakazoitwa kafiramberi vorohwa nechaunga.

Nemusi weChina wadarika, mhuri iyi yakafamba rwendo kunoba asi vasina magwaro anodiwa kuti vatenderwe kufamba ndokuzoguma vava mumukanwa meshumba apo vakazvambaradzwa kurohwa mushure mekubatwa vachiba mbatya muchitoro – masikati machena.

Vaviri ava vakabatikidzwa vachiba zvipfeko zvechikadzi zvemukati nemasokisi muchimwe chitoro chiri mumugwaga Robert Mugabe Road, pakati peHarare, murume ndokuzoitwa dititi kurohwa nevanhu vaizvifambira.

Tafadzwa Kabanda (24), uyo anogara kuChitungwiza, anoti musi uyu akapinda muguta reHarare aine mudzimai wake, Nokutenda Nyamukapa kana kuti Mai Brenda vaine mwanasikana wavo mucheche.

Vanoti vakaverevedza kupinda muguta vasina matsamba ekufambisa sezvinodiwa nemutemo.

Kabanda anoti abva kumba, akatanga aenda kuMbare ndokuzopinda pakati peguta reHarare apo vakanopinda muchitoro chinotengesa mbatya.

Murume uyu akatora chipfeko chechikadzi chemukati nemasokisi ndokuviga muhomwe yake. Panguva iyi vashandi vemuchitoro ichi vaimuona ndokuzomubata ave kubuda asina kubhadhara.

Panguva iyo ainge aunganirwa nevanhu, vashandi vemuchitoro ichi vakatora mudzimai wake, Mai Brenda, ndokuvaudza kuti vambobuda panze nemwana wavo sezvo mwana aigona kuzokuvadzwa apo baba vake vaibhurwa nechaunga. 

Ipapo vashandi vemuchitoro ava vanoti vakabva vashaya rimwe tarauzi rejean rinokosha US$20.

Achitaura neKwayedza, Kabanda anoti: “Pandapinda muchitoro chino ndanga ndisina hurongwa hwekuba. Asi mweya wetsvina ndiwo wazondibata ndikangoona ndave kutora bhurugwa rechikadzi iri nemasokisi ndikazviviga muhomwe yangu. Hamheno kuti zvafambawo sei chaizvo?”

Kabanda anoti akarikitwa kurohwa muchitoro ichi, asi vashandi vemo vanoti hapana akamurova kunze kwekungomuti adzose zvaiva muhomwe make nejean ravakashaya.

“Muviri wangu wava kurwadza, ndarohwa kumusana zvakaomarara,” anodaro Kabanda.

Vashandi vemuchitoro ichi avo vakataura neKwayedza vanoramba kuti Kabanda kana mudzimai wake vakarohwa.

Vanoti chavaingoda kuti vabhadhare kana kudzose zvinhu zvemo.

Zvinonzi mudzimai uyu ndiye akatsakatikisa jean iri.

Mumwewo akataurwa naye asina kupa zita rake anoti, “Haana kurohwa uyu, ngaangodzosa zvaaba – masokisi, bhurugwa nejean kana kubhadhara mari inoenderana.

“Taudza mukadzi wake kuti anotsvaga mari yacho isu takachengeta murume wake uye kana akasadzoka tomuendesa kumapurisa,” anodaro mushandi uyu.

Share This:

Sponsored Links