Ndadzidza: Ndiraya

16 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Ndadzidza: Ndiraya Tonderai Ndiraya

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wenhabvu — Tonderai “Stanza” Ndiraya — anoti ari kudzidza zvakawanda kubva kumutambo weFIFA 2022 World Cup uyo uri kutambirwa kuQatar uye anoshuvira kuzorairidza chikwata chenyika chemaWarriors nekuendawo kumakwikwi epasi rose aya.

Mutambo weWorld Cup wegore rino wave kusvika kwamvura yacheka makumbo uye fainari yacho ichatambwa nemusi weSvondo.

Ndiraya anoti semurairidzi, ange achidzidza zvakawanda achiona mitambo iyi uye ruzivo rwaawana anoda kuzorushandisa mubasa rake rekurairidza nhabvu.

Anoti mubasa renhabvu, hakuna chakakosha kudarika kurairidza chikwata chenyika nekudaro ane chishuwo chekuti mune remangwana azorairidzawo maWarriors.

Ndiraya akamboshanda nemaWarriors apo aive mumwe wevatevedzeri vaZdravko Logarusic arizve murairidzi wemaYoung Warriors Under-23.

“Munyika ino panyaya dzenhabvu, basa guru nderekurairidza chikwata chenyika chemaWarriors icho chakakosha kudarika zvimwe zvese. Hakuna murairidzi wenhabvu asingade kurairidza nyika yake izvo zvinorakidza kukosha kwebasa iri.

Kana iniwo chaiye ndinotoshuvira kutotungamira nyika yangu ndogoendawo nayo kuWorld Cup asi hunge tikabudirira.

“Tichiona mitambo yeWorld Cup iri kutambwa iyi, zviri kundisunda semurairidzi kuti mune remangwana ndide kushandira nyika yangu ndirairidze maWarriors tigonotamba mitambo yakawanda mikuru yakadai seWorld Cup, AFCON nemimwe. Gore rino ndadzidza zvakawanda ndichiona matambiro ange achiita zvikwata zvakasiyana, magadziriro avanoita mitambo yavo uye nematambiro avo.

Tonderayi Ndiraya

“Ruzivo urwu rwuchandibatsira zvikuru mubasa rangu.

“Hakuna mitambo yenhabvu yakakosha kukunda yeWorld Cup nekuti ndiko kunosangana nyika dzinogona saka kuendawo kumutambo uyu chinenge chiri chinhu chikuru,” anodaro.

Mumutambo weWorld Cup, Ndiraya anoti ange achitsigira chikwata cheFrance.

Ndiraya kubva pakaziviswa neDynamos kuti haacharambe ari murairidzi wechikwata ichi, anonzi ari kudiwa nezvikwata zvakawanda zvinoda kumutora.

Asi anobuda pachena kuti panguva ino haasati aziva kuti remangwana rake rakamira sei sezvo achiri kumbopedzisa kondirakiti yake kuDeMbare.

Tonderayi Ndiraya

“Ini ndichiri nekondirakiti neDynamos iyo iri kupera musi wa31 Zvita. Saka ndichamboipedzisa, kana yapera ndinozokuzivisai kuti taronga zvipi uye ndiri kuenda kuchikwata ichi,” anodaro.

Ndiraya veruzhinji vanongomuziva achitamba nhabvu nekuirairidza asi vasingazive kuti kumusha kwake ndekupi.

Anobva kwaMambo Mutasa, kwaMutare uye achiyera Simboti.

Mhuri yavo yakabva kuInyanga ndokuzonovaka musha wavo kwaMutasa.

Gamba renyika, Senator Rekayi Tangwena, nditateguru wavo.

Share This:

Sponsored Links