Ndadzoka: Malajila

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Ndadzoka: Malajila Cuthbert Malajila

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI weBlack Leopards yekuSouth Africa – Cuthbert “Cazola” Malajila – anoti ave kunzwa kufefeterwa nemhepo zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nechikwata chake chitsva.

Makore matanhatu adarika, Malajila aitambira Mamelodi Sundowns asi mwaka miviri yadarika aingogara ari pabhenji uye ndokumbokuvara izvo zvakabva zvawedzera kusawana kwake mikana yekutamba nhabvu. Asi pakapera kondirakiti yake kuSundowns nguva pfupi yadarika, mutambi uyu akabva atengwa neBlack Leopards iyo inokwikwidza muAbsa Premiership.

Muhurukuro neKwayedza, zvichitevera kutengwa kwaakaitwa neLidoda Duvha rinove zita remadunhurirwa reBlack Leopards, Malajila anoti anga aneta kuona vamwe vachitamba nhabvu iye achingodziisa bhenji chete izvo zvakaona achingotamba kamwechete mwaka wadarika.

“Ndave kutanga chimwe chikamu munyaya dzenhabvu muhupenyu hwangu, zvange zvisiri nyore kugara pabhenji, mumaonero angu ndakatorasikirwa nenguva zhinji ipapo.

“Ndega ndaizvinzwa kuti zvichirimo mandiri saka kungoona vamwe vachitamba chete ini ndakagara pasi, izvo bodo zvaindishungurudza. Ndakange ndave kutoverenga mazuva kuti asvike kondirakiti yangu ipere, ndifambe-fambe kutsvaga chimwe chikwata chekutambira,” anodaro Malajila.

Kubva pakapera kondirakiti yake, muchinda uyu haana kumbozorora sezvo akaramba achiita gadziriro dzake zvakasimba izvo zvakafadza Lionel Soccoia murairidzi weLidoda Duva ndokupihwa kondirakiti yegore rimwechete. Kondiraikiti iyi ine mukana wekuwedzerwa nerimwe gore, asi hunge kana muchinda uyu akakwanisa kutamba zvinogutsa mumwaka wa2019/20.

Asi kunyangwe hake achiti akange amirira kuti kondirakiti yake ipere, kuMasandawana – sezita remadunhurirwa reSundowns – Malajila anoti ane mufaro mukuru nekuti akakwanisa kuhwina mikombe yakawanda chaizvo kuchikwata ichi.

“Ndakabva kuSundowns ndine menduru dzakawanda nekuti ndakahwina mikombe yakawanda kuchikwata ichi inosanganisira yeAbsa premiership, Telkom Knockout, Nedbank neCAF Champions League.

“Iye zvino ndave kutarisira kuhwina mimwe mikombe yeLeopards nekuti ndizvo zvandauriya kuno, handina kuenda kunongotamba chete, ndichiri kuda kuhwina,” anodaro.

Mutambi uyu ane chikwata chake chenhabvu icho chinokwikwidza muZifa Division Two B uye anoti shuviro yake kuchiona chichipinda muDivision One gore rinotevera.

Parizvino chikwata chake – icho chinonzi CUMA Football Club – ndicho chiri kutungamira palog muZifa Division Two B uye chine mukana wekupinda muDivision One mwaka unotevera.

Chikwata ichi ndicho chinotambirwa nevanin’ina vake vanoti Obert, Gedion naJames Malajila.

“Vagari vemuKadoma vasuwa kuona chikwata chemo chichikwikwidza muPremier League saka ini nabhururu wangu Hubert Manyowa tiri kushanda zvakasimba kuti chikwata chedu CUMA football Club chisimuke chipinde muDivision One, kana chapinda toda chiende muPremier League zvakare,” anodaro.

Malajila – uyo aimbotambira maWarriors – anoti iye zvino ari kufunga zvikuru kuti achaitei kana nguva yekusendeka shangu dzake dzenhabvu yasvika.

Anoti ane rudo nenhabvu zvekuti acharamba achiita zvemutambo uyu.

“Nhabvu ndiwo hupenyu hwangu, ndinoidisisa saka kana yazosvika nguva yekuti ndisendeke shangu dzangu dzenhabvu ndicharamba ndichishanda munhabvu.

“Handisati ndaziva kuti ndichange ndichirairidza here kana kuti kushanda ndichimaneja zvikwata kana vatambi, asi ndichange ndichiita zvenhabvu chete,” anodaro.

Malajila akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Dynamos FC, Highlanders, Chapungu United zvemuZimbabwe ndokuzoenda kunze kwenyika uko akanotambira Club Africain yekuTunisia, Al Akhdar yekuLybia, Maritzburg United, Mamelodi Sundowns neBidvest Wits zvekuSouth Africa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey