Ndadzoka: Pambeni

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Ndadzoka: Pambeni Peter Pambeni (kurudyi) achirwa naAlbinius ‘Danny Boy’ Felesian wekuNamibia nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva Peter “The Sniper” Pambeni anoti adzoka mumutambo uyu zvine mutsindo uye anotarisira kuramba achisimukira.

Pambeni nguva pfupi yadarika akahwina bhande reWorld Boxing Organization Africa Lightweight zvichitevera kukunda kwaakaita Albinius “Danny Boy” Felesian wekuNamibia. Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Pambeni anoti akambenge arasika apo akasiya mutambo wetsiva mugore ra2008 ndokuenda kunyika yeSouth Africa kunotsvaga raramo.

Muchinda uyu akagara kuSouth Africa kwemakore anodarika matanhatu asi akazodzingwa kunyika iyi zvakaita kuti adzoke muno zvakare ndokunogara kuEpworth uko kwaakakurira. Anoti hupenyu hwakamuomera zvikuru apo aive kuEpworth uye akazosangana nemumwe aimbove maneja wake mumutambo wetsiva uyo akamutsvagira maneti ndokumupa achiti vatange basa rekuredza hove.

Zvisinei, anoti murume akange amupa maneti uyu akabva anyura mumvura ndokufa izvo zvakamuvhundutsa zvikuru ndokubva arega zvokuredza hove izvi. Pambeni anoti akazosangana zvakare naStalin Mau-Mau uyo akataridza chido chekumusimudzira mumutambo wetsiva ndokutanga kumutsigira.

“Ndakamborasika nekuti nekuda kwevanhu vandaimbofamba navo kare vakatadza kundiraira chaizvo izvo zvakazoita kuti ndiramwe mutambo wetsiva ndokumbobva ndikanogara kunyika yeSouth Africa.

“Ndakazodzoka kuSouth Africa ndikasangana neaimbove maneja wangu ndikamuudza kuti ndave kuda kuita zvetsiva zvakare. Asi pane kuti anditengere magirovhosi etsiva, akanditengera maneti ekuti tiende kunoredza hove dzekuti tipote tichitengesa. Asi patakaenda kuroredza hove iye akabva anyura mumvura saka nekutyira hupenyu hwangu ndakabva ndazvisiya,” anodaro Pambeni.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakazosangana zvakare naVaMau-Mau ndikavaudza kuti ndoda kudzoka mutsiva, kubva ipapo ndiri kushanda navo uye vari kundibatsira. Iye zvino ndave shasha zvakare saka ndinotenda Mwari.”

Parizvino Pambeni ari kugadzirira kurwa nemumwe mutambi wekuSouth Africa nemusi wa12 Gumiguru muHarare. Mutambo uyu uchange uri wekugadzirira mumwe wekuzorwira kuchengetedza bhande rake munaZvita apo acharwa nemutambi achazozivikanwa.

Mau-Mau anoti anoda kuti Pambeni agorwira kuchengetedza bhande rake munyika muno pamberi pevatsigiri vake. Anoti iye zvino haakwanise kutaura kuti achasangana nani sezvo vachiri pakati pekusainirana makondirakiti ekuti vagorwa.

“Pambeni acharwira kuchengetedza bhande rake muno, izvozvo ndovimbisa. Ndiri kushanda nesimba kuti zviitike uye zvichaitika chete.

“Mwedzi unotevera ari kurwa nemutambi wekuMalawi uye munaZvita orwira bhande rake reWBO Africa Lightweight nemutambi watichazokuzivisai kana tangopedza kunyorerana pasi,” anodaro.

Mau-Mau anoti mamaneja evatambi vetsiva anofanira kurwira kodzero dzavo zvizere.

“Moziva zvatinoona vamwe vatambi vetsiva vachiitwa zvinopisa tsitsi, hazvidi kudaro wena. Mutambi shuwa anga ende kuNamibia nebhazi apa achisvika achirwa? Anokundwa nekuti anosvika akaneta. Mamaneja ngavagone kuchengetedza vatambi vavo uye ngavasatungamidze mari nguva dzese. Vatambi vekune dzimwe nyika kana voda kusimukira vanopa mamaneja vemuno mari voenda ikoko nebhazi mutambi anosvika orohwa, mutambi wekuNamibia osimukira vedu vemuno vachidzikira,” anodaro Mau-Mau.

Share This:

Sponsored Links