Ndadzoka zvachose: Gulf Makina

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Ndadzoka zvachose: Gulf Makina

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa—

MUIMBI wemusambo weSungura, Gulf Makina —  uyo akamboimba namushakabvu Paul Matavire — anoti adzoka zvakare mudariro nedambarefu idzva mushure memakore akawanda asina kumbotsikisa.

“Ndadzoka zvine mutsindo nedambarefu idzva rinonzi Ikapera Yabiwa iro rine nziyo sere. Panziyo idzi pane kamwe kanonzi Hama Yangu apo ndinokurudzira vanhu kuti kana ukaroora mukadzi ane vana vake unofanira kuvada nekuti unenge wakada danda rine masanzu aro,” anodaro Makina.

Anoti zvakare pane kamwe kambo kanonzi Chimamuna ako kanokurudzira vanhu kuti vasaite humbimbindoga.

“Mukambo kanonzi Chimamuna ndinenge ndichiti vanhu vasaite makaro asi kuti vabatsirane nekuti hupenyu hunoda kubatsirana,” anodaro.

Muchinda uyu anoti ange ave nemakore akawanda asina kumbotsikisa mhanzi itsva nekuda kwezvimhingamipinyi zvakasiyana zvaange achisangana nazvo.

“Ndanga ndave nemakore mapfumbamwe ndisina kutsikisa dambarefu nekuda kwezvimhingamupinyi zvakadai sekushaya mari chaiyo uye mudzimai wangu akashaya mugore ra2009 zvinova zvakandinetsa kuchengeta vana ndega,” anodaro Makina.

Anoti zita redambarefu rake idzva rekuti Ikapera Yabiwa rakabva pakuti anoona vanhu vanenge vaine mari vachiipfachaura vachiti vanayo asi pavanofa vanenge vasisina kana kobiri zvaro.

“Dambarefu iri ranga rakamirirwa chaizvo nevatsigiri vangu uye ndinovimba kuti vacharifarira,” anodaro Makina.

Zvisinei, anoti vaimbi vari kusangana nematambudziko akasiyana ayo ari kudzorera basa ravo kumashure.

“Kare taitsikisa mimhanzi tisina kubhadhara asi iko zvino vanotoda mari usati wapinda mustudhiyo uye nenyaya yeZim-dancehall iyi Sungura haicharidzwa zvakanyanya mumawairesi saka tinoda kuti tiridzwewo. Seni zvangu, handivhundutsirwe neZim-dancehall uyezve ndauya zvachose hapachina kumira kwete,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links