‘Ndaiti ndava kufa’

16 Nov, 2022 - 08:11 0 Views
‘Ndaiti ndava kufa’ Mai Annah Chingonzoh-Kadzere

Kwayedza

Ray Bande

“PANE imwe nguva ndichirwara mushure mokunge ndabuda muchipatara, ndichiri kunetseka, ndakashevedza vana vangu vose nemurume wangu. Ndakavaudza zvekuita nezvose zvandaiti ndezvangu uye mafambiro avaizoita neupenyu hwavo kana ndafa. Ndakafunga kuti rufu rwakanga rwava pedyo.

“Ndakaenderera mberi nekuvati vashevedze mufundisi wangu weParish kuti aite shumiro yangu yekupedzisira. Asi, vana vangu vakaramba kuterera izvozvo.”

Aya mashoko aMai Annah Chingonzoh-Kadzere avo vane makore 42 ekuberekwa uye vakararama chirwere chegomarara rezamu apo vairondedzera zvavakasangana nazvo mushure mekubatwa nedenda iri.

Pavairwisa gomarara rezamu, vakabva vabatwawo nechirwere cheCovid-19.

Upenyu hwakashanduka muna2020 apo Mai Kadzere vakabatwa negomarara rezamu.

“Ndakamuka mamwe mangwanani ndikanzwa bundu mune rimwe remazamu angu. Murume wangu, VaRichard Chengetai Kadzere, vakandiendesa kunachiremba ndikakumbira kuvhenekwa asi hapana chakaonekwa nesikani.

“Takazoenda kunovhenekwa kuLancet Laboratories chiremba akatiudza kuti ndine gomarara rezamu. Zvairwadza mwoyo.

“Chiremba akaedza kutipa zano asi aitotaura oga. Takaenda pamwe chete nemurume wangu ndokunomira pane chimwe chitoro ndokutanga kuchema.

“Ndakaudza murume wangu kuti tariro yangu yeupenyu yakanga yapera. Nekuziva gomarara sezvandaiita, zvikuru mushure mekunge baba vangu vafa negomarara remuura, ndakanga ndisisina tarisiro yekuti ndaizorarama,” vanodaro Mai Kadzere.

Kutya kwavakaita mushure mekubatwa negomarara hakuna kuvatendera kuti vaburitse chero chinhu kuvana vavo, hama dzepedyo neshamwari.

Mai Kadzere vakazoona kuti vaive negomarara rezamu apo raive padanho rechipiri.

“Kubva pane zvandakadzidza, zvakakosha kuti chirwere ichi chivhenekwe nguva ichiripo. Zvinoreva kurapwa kuri nyore. Mushure mezvo, zvakakoshawo kutevedzera zvinotaurwa nemachiremba,” vanodaro.

Zvaisava nyore kuti Mai Kadzere nemurume wavo vaudze chero munhu nezvenyaya iyi.

Vanoti: “Pakanga pangopera mavhiki maviri apo ndakawana hushingi hwokuzvizivisa kune wandaishanda naye uye shamwari yandaigara ndichifonera uye kumukoka kumba kwangu.

“Ndakachema pandakamutsanangurira zvose. Mushure memwedzi miviri, ndakatozoudzawo hanzvadzi dzangu, asi ndakadziti dzirege kuzivisa amai vangu sezvo ndaisada kuti vanetseke nazvo.”

Zvisinei, kukosha kwerutsigiro rwehama neshamwari kunorerutsa mutoro kana munhu achinge asangana nedambudziko rakadai.

“Ndinotenda zvikuru vose vakamira neni munguva idzodzo dzakaoma. Ndingadai ndisina kurarama nhasi pasina rutsigiro rwavo. Handikwanise kupedza rondedzero.

“Shamwari yangu newandinoshanda naye vamwe vevakafamba neni murwendo urwu. Muvakidzani wangu, Mai Dzimba, vaivewo mutsigiri wangu mukuru.

“Tsigiro yandakawana kubva kumurume wangu chinhu chandisingagoni kutsanangura nemashoko.

“Danai mwanasikana wangu mukuru ainditsigirawo zvakanyanya. Aifanira kutanga zvidzidzo zvake zvekuyunivhesiti, asi akarega zvose zvaaida kuti atange aona kupora kwangu. Vana vangu vese vaingonditsigira siku nesikati,” vanodaro.

Mai Kadzere vakawanawo mukana wekukurukura nemumwe murume akarwara negomarara rezamu akapora uyo wavakaziviswa nemumwe wavaishanda naye uye haana kungovapa rutsigiwo chete, asiwo ruzivo nezvechirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey