Ndakabata maoko aChenai: Mai Sasha

11 Jun, 2024 - 14:06 0 Views
Ndakabata maoko aChenai: Mai Sasha Memory Mondo

Kingstone Mapupu

MEMORY Mondo (25) kana kuti mai Sasha – anove mudzimai waMaxwell Chikwiramakomo, uyo ari kupomerwa kuti ndiye akakonzera rufu rwaChiyedza kana kuti Chenai Luwizhi apo aidanana nemurume wake mushure mekumushandisira runyoka – anoti akabata maoko hama dzemusikana wekufa uyu panhare.

Mondo – uyo anozivikanwa nevakawanda samai Sasha – anoti akaziviswa nezverufu rwaChenai ndokubata maoko kudzimawe hama dzake panhare.

Chiyedza Luwizhi nevamwe vemhuri yake – Mifananidzo naTinashe Chitwanga

“Ndanzwa nezverufu rwaChiyedza, ndakatumira mashoko panhare kuhama dzaChenai dzandaiva nenhamba dzavo ndichitiwo nematambudziko. Hapana kana munhu mumwe chete akandipindura pamashoko andakatumira, kusvika nanhasi hapana wekumhuri yekwanaChenai wandakagona kutaura naye, kunyangwe baba vaChenai handina kumbokwanisa kutaura navo,” anodaro Mondo.

“Asi mashoko andakatumira (ekubata maoko) aka’blue tika’.”

Anoti aona nhamo nekushungurudzwa neruzhinji panhare yake zvose nepadandemutande reFacebook uye nekutukwa achinzi akauraisa Chenai.

https://www.facebook.com/KwayedzaOfficial/videos/448284747939380

“Zvekuramba ndichitaura nemi vatori venhau handichada nekuti zvava kundinetsesa nekutukwa, ndava kutoronga kutama zvangu. Ini handina kuuraya Chenai, hongu kun’anga ndakaenda (kunopihwa mushonga werunyoka) asi ndaisatarisira kuti Chenai afe,” anodaro mai Sasha.

Share This:

Sponsored Links