Ndakaberekeswa chikwambo

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri murume ane makore 37 ekuberekwa, uye dambudziko rangu rakamira sezvizvi:

Handina mudzimai nechikonzero chekuti ndikawana mukadzi wandinodanana naye zvinongogumira pakudanana pasina chinofamba.

Ndakambozvifambira ndikanzwa kuti ndakaberekeswa mweya wechikwambo mumusha medu usingade kuti ndiroore.

Iye zvino ndine mukadzi wandiri kufambidzana naye uyo anongouya achingodzokera kumba kwavo nekuda kwemweya iwoyu.

Kana pfuma kuti ndibatewo mari iri kungoparara zvisina tsarukano.

Iye zvino mukadzi uyu ava kutosvika pakusviba moyo nezvangu sezvinongoita vamwe.

Ndaneta kufamba mumaporofita asi hazvisi kupera.

Dzimwe nguva ndinorota ndakavata nemukadzi, hama dzangu dzinongonditarisawo.

Ndibatsireiwo tete ndatambudzika.

Kana muine vamunoziva vangandibatsira uye vanonamata, n’anga kwete.

Number dzangu dzinoti 0775936005.

N. M

Domboshava.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rinosangana nevakawanda. Chikwambo chinogonekwa kubviswa nen’anga dzinopa zvikwambo zvacho zvino iwe zvawati haudi n’anga, zvimwe zvacho hazvigonekwe nemapositori.

Dai ndakaona mapositori aibvisa zvikwambo dai ndakuudza, ndinoziva n’anga nekuti ndidzo dzinopa vanhu zvikwambo.

Kana uchida rubatsiro rwekubviswa chikwambo nen’anga, wokumbira veKwayedza vakupe number dzangu tokuratidza vatinozivawo vane magwaro eZINATHA.

Tete.

Share This:

Sponsored Links