Uncategorized

ndakadhunyisa mwana wangu: muporofita

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
ndakadhunyisa  mwana wangu:  muporofita Madzibaba Paurosi vaine machira avanoti vakatorera mwanasikana wavo

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUPOROFITA wekwaMurehwa — uyo wekuti mbiri yake ndeye hupombwe achimitisa vakadzi vevanhu zvose nehumbavha — ari kudura kuti ndiye akashandisira mwanasikana wake wekubereka mhiko dzekuti arasike njere.

Madzibaba uyu anoti mwanasikana wake abva zera — uyo pari zvino anonzi ari kungomberereka nenyika achinzi akataika njere – ndiye akamupengesa.

Anoudza Kwayedza kuti akapengesa mwana uyu “nekuti ainge oita zveSatanism achida kundiuraya ini baba vake kuitira kuti iye aite mari”.

Nicholas Mapfumo (45), uyo anozivikanwa saMadzibaba Paurosi, wechechi yeRuchengeto rwaJehovah anobva mubhuku rekwaMuza, kwaMambo Mangwende.

Anoti pari zvino mwanasikana wake (zita rake akatipa) ari kurasika njere mushure mekunge amushandisira mhiko “dzakasimba”.

Kwayedza haina humboo huzere hwekuti musikana uyu ari kurasika njere asi ndizvo zviri kutaurwa nababa vake vekumubereka.

Kusvika pakuzobuda kwenyaya ino, Kwayedza yakazama kutsvaga mwanasikana uyu, asi zvikashaya basa sezvo aingonzi haapo — pamwe pacho amai vake vachiti ari kuZhombe, vombotizve ari muHarare.

Asi baba vake vanotsidza kuti: “Ndini ndakamupengesa. Ndakamushandisira mhiko dzangu dzakasimba.”

Madzibaba Paurosi akambobuda muKwayedza munaChikunguru gore rino achiti mumazuva ake achazvinzwa, aiva mbavha gororo remakoko uye ari mhombwe inotyisa apo akamitisa madzimai evanhu, zvekuti ane vana vari kutochengetwa nemamwe madzibaba vachifunga kuti ndevavo.

Anoti mwanasikana waakapengesa uyu anogara naamai vake — Berita Mudawarima — kuMbare, muHarare mushure mekunge varambana.

Madzibaba Paurosi anoti akaronga zvekushandisira mwanasikana wake mhiko dzekuti arasike njere kuitira kuti mabasa eSatanism aaida kuita — ayo aizomuita kuti agume auraya baba vake “ashaye basa sezvo pfungwa dzake dzinenge dzisisashande zvakanaka”.

“Ndakaita minamato nemumwe muporofita anonamatira paRufaro Stadium, kuMbare — kuti mwana uyu amborasa njere. Izvi ndakazviita mushure mekunge ndatora micheka yake yaakanga atsvaga kuti ashandise nemishonga asingabatwe kun’anga kana kumaporofita.

“Pandakatora micheka iyi, akandiudza kuti muchafa nguva diki iri kutevera, izvo zvakazoita kuti ndimupengese kuti zvekuda kundiurara zvishaye basa,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Paakakurukura neKwayedza, muporofita uyu ainge akatopfeka magemenzi ekuchechi.

Anoenderera mberi: “Mishonga iyi akaitora kuti aite zveSatanism izvo zvaanonzi akatoendera kuninga kuti mishonga yake isimbe. Mukutora mishonga iyi, anonzi akaita mhiko dzekuti panofanira kufa hama yake yepedyo pedyo uye yaanodisisa. Saka mukumubvunza iye anoti inini ndini ndinofanira kufa.

“Izvi ndizvo zvakandituma kuti ndiende kuna amai vacho nditore micheka iyo yakanga yakasungirirwa mhiko dzakasiyana-siyana. Pari zvino mwana uyu ari kutetereka nenyika achirasika njere. Asi ndava kumutsvaga nekuti ndava kutyira kuti anozopenga zvekusadzoka njere dzake pakare.”

Madzibaba Paurosi anoti muporofita akamubatsira kuti mwanasikana wake arasike njere akamupa mucheka wekuti azoshandisa kana ave kuda kuti musikana uyu achirega kupenga.

Zvisinei, anoti haachazivi kune muporofita uyu — kana zita rake.

Madzibaba Paurosi anoti pamicheka yemwanasikana wake yaakatora, pane mumwe wakasungirirwa chidimbu chemari ye$2 bond note.

Mari iyi anoti imhiko yekuti iye Paurosi paanofa, mwanasikana wake uyu anofanira kubva aita mari yakawanda.

“Amai vemwana uyu ndakasiyana navo asi nguva yaakatsvaga micheka yandakatora iyi, ndivo vanga vava kugara naye uye vanoziva kuti akaenda kuninga akanobata mishonga. Pandakaenda kunotora micheka iyi, havana kunetsa nekuti vaiziva kuti nyaya dzacho dzaizogona kusarira mumawoko mavo.

“Chakanyanya kundipa shungu dzekumupengesa ndechekuti pakutora machira aya, akandivimbisa kuti ndichafa nguva diki-diki inotevera. Pari zvino ndine muteuro wandakapihwa nemutumwa wekuchechi kwangu uyo wandinofamba ndichinwa pose pandiri kudzivirira rufu rwandakavimbiswa urwu nekuti handizivi kuti mishonga yaakabata ine simba rakaita sei,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Amai vemwana uyu avo vaimbova mudzimai waMadzibaba Paurosi, Mudawarima vanotsinhira kuti murume uyu akatora micheka yaive nemwanasikana wavo achimupomera kuti ari kuita zveSatanisim.

“Micheka yose iyi ndakaiona uye ndaizviziva kuti mwana ane micheka yakadaro nekuti ndaiona kuti anayo. Asi handina kunyanya kuita basa nazvo.

“Chandinoziva ndechekuti mwana uyu anomboita zvekubudirwa asi zvinonzi midzimu iri paari. Baba vacho vasati vava kuita zvechiporofita zvavava kuita izvi, vaimbobudirwa nemidzimu.

“Izvo zvekuti mwana wangu uyu ava kurasika njere handisati ndazvionesesa nekuti nguva zhinji ndinenge ndisinaye ndiri kubasa.

‘‘Ndozongosvika kumba manheru ndichingorara,” vanodaro.

Mai Mudawarima vanoenderera mberi vachiti: “Imwe nyaya ndeyekuti nababa vake hatichanyanyi kuita nyaya dzinoenda kure nekuti takasiyana, ini ndava nemurume wangu. Asi pamwedzi mishanu yapfuura, mwana uyu ndini ndiri kugara naye.

“Pamicheka yaanayo, mimwe yacho miviri akazoitsvaga ndava kugara naye asi anoti akaita yekutenga.”

Vanofungidzira kuti mwana wavo ane shavi revamwe tete vake hanzvadzi yaMadzibaba Paurosi izvo vanoti ndizvo zvaitaurwa apo vakanga vachiri kugara nemuporofita wekwaMurehwa uyu.

Nguva yadarika, Madzibaba Paurosi akadura kuti pamazuva ake achazvinzwa, aive neshavi rekuba uye achiita hupombwe nemadzimai akaroorwa — vamwe vacho vaakatozvarisa vana.

Anoti akadanana nevakadzi vevanhu vakawanda — mumwe wacho waanodura kuti akaita naye vana vaviri avo vari kutochengetwa nemumwe murume achifunga kuti ndevake.

Share This:

Sponsored Links