Uncategorized

‘Ndakamboda kuzviuraya’

10 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wekuGlen Norah, muHarare, anoti murume wake anomudadira neshamwarikadzi yake achiti vana vose vaakabereka naye havasi vake zvekuti akatombosvika pakuda kuzviuraya nekuda kwekushungurudzwa kwaari kuitwa.

Violet Banda akaendesa Fabion Pilinanga kuHarare Civil Court achiti anomurova nekumushungurudza pamberi pevana vavo.

“Anondituka zvose nekundirova. Chikumbiro changu ndechegwaro redziviriro nekuti zvinondikanganisa utano hwangu.

“Kubva paakabva kuSouth Africa, ndakatotiza pamba nekuti ndinotya kurohwa. Handidi kumuona pamba pangu zvose nekubasa kwangu,” anodaro Banda.

Anoti Pilinanga anomushungurudza kunyangwe aine pamuviri.

“Pose pandinoita pamuviri, ndinozoita zvekubayiwa majekiseni ekuti ndikwanise kubara zvakanaka nekuti zvaanoita zvinondikanganisa pfungwa nendangariro. Andiitisa pamuviri kudaro, anondirova achinditsvinyira achindidadira neshamwarikadzi yake inonzi Marcy achiti ndine mwana mumwechete wandakaita naMarcy uye vamwe vose ava havasi vangu,” anodaro Banda.

Pilinanga anopokana naBanda achiti haamurove uye anomuda.

“Handisati ndambomurova uye mudzimai wangu ndichiri kumuda. Ndakagara kuSouth Africa kubva 2010 saka ndinoshaya kuti ndaimurova papi ini ndisipo,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Banda gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links