Ndakaona mumvuri mutema murima

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa

NDAKAMUKA ndikatarisa nguva. Kunze kwakanga kwave kuda kunoyedza, bhazi renguva rakanga rave kuteremuka kubva mugomo renguva yenhatu kuti rinopinda munyika yemupata wenguva yechina.

Ndakawaranyura magumbeze ndikafamba ndichida kunobatidza magetsi. Ndichifamba kunobatidza magetsi kudaro, ndakaona mumvuri mutema murima imomo. Waive mumvuri wemunhu, uri murefu zvekunodhumha denga remba.

Mumvuri uyu wakanga usina kunyatsopfeka mbatya dzinogara pamuviri saTwabam. Mupfekero wemumvuri uyu waiita kunge marengeny’a echigure. Kunge makushe ehuku iri pachivanze musi une mhepo zhinji.

Handizive kuti mumvuri mutema unooneka sei murima dema, asi ini ndizvo zvandakaona. Ndaona mumvuri mutema, ndakabva ndamira asi handina kurohwa nehana. Kaive kare pandaitya rima nevaroyi naSatani.

Ndakamira ndikatarisa mumvuri mutema uye ndikati, “Ndiwe ani, uri kudei uye muno wapinda sei?”

Mumvuri mutema wakati nezwi rakazhezhera, “Ndini Rima. Ndiri kutsvaga vana vangu vaneni baba vavo Rima mukati mavo. Zvekuti ndapinda sei hazvinetse nekuti ndiri mweya.”

Ndakati, “Ko munhu anoita rima mukati make chirudzii?”

Rima rakati, “Munhu anoita rima mukati make kana akagumbuka, akave neruvengo kana kurongedza hasha mubhegi remwoyo wake obva avhara zipi. Ndinofamba ndichitsvaga vanhu vakadaro nekuti vanenge vabvuma kutakura pamuviri pangu. Vanhu ivavo vanosemeswa nerunyararo kana mufaro.

“Ndinofamba ndichitsvaga vanhu vangu vakadaro kuti ndivasimbise pakurwadziwa kwavo. Ndinokuchidzira hasha dzavo neruvengo rwavanonzwa kuti zvivire nekunyatsopenga mukati mavo.”

Ndakabvunza kuti, “Asi unenge uchizviitirei kana uchifamba murima vanhu vacho vakarara uye vasina chavari kuziva?”

Rima rakaseka kunge kuchema kwegunguwo, mushure richibva rati, “Nguva dzehusiku inguva dzangu ini Rima. Vanhu vese vane chiyedza chavakaisirwa mavari naMwari, asi vazhinji vavo vanodzima chiyedza chaMwari vachiisa rima panzvimbo yacho. Nguva dzehusiku inguva dzekuzorora nekurasa mitoro yehasha, ruvengo, zvigumbu nezvimwe zvakadaro. Asi kana munhu akaenda kunorara akazvimbirwa nehasha, ruvengo nezvigumbu – munhu iyeye anenge achitumira masaisai ekundishevedza. Handinonoke kusvika pane vanhu vakadaro nekuda kwekuti vanhu ivavo munda wangu unenge wagashira mbeu yangu.”

Ndakati kuRima, “Kana ini ndiine mhodzi dzako handidzide. Ibva wadzibvisa?”

Rima rakaridza tsamwa ine ndebvu dzinenge gwenzi rikati, “Ini handibvise rima, asi munhu ndiye anondibvisa. Vanhu vakaita sewe munondisvota nekuti munonamata muchiti Mwari akuregererei, uyewo nemiwo muchibva maregerera vanhu vanokutadzirai.

“Saka munondishayisa nzvimbo. Kana ndauya sezvandaita kudai, ndinenge ndichingotenderera. Ndinenge ndichingoti rega ndidarike nepaari, pamwe ndinomuwana akandimirira pachiteshe chehasha.”

Ndakabva ndati, “Ndakuziva, ndiwe Satani.”

Satani akati, “Ichokwadi ndini, asi ndinoshanda ndiri muzvinhu zvakawanda nemazita akawanda. Ndinowanikwa muzvinhu zvisingafadze Mwari asi zvichifadza vanhu. Ndinowanikwa mukusateerera, mukuda mari, kunyepa, kuba, hupombwe, ruchiva, godo, gakava nekupesana, kuzvikudza nekuzvida.”

Ndakabva ndabatidza magetsi, Rima rikatiza. Asi ndakanga ndadzidza chinhu chikuru. Rima rakanga rasimbisa zvinotaurwa neshoko raMwari.

Mwari vanoti “Zuva ngarirege kuvira uchakatsamwa.”

Nyangwe zvazvo Mwari vasingataure chikonzero chacho, ndave kuziva kuti kuvirirwa nezuva wakatsamwa kupakurira Satani sadza. Kana wamupa sadza achati umudyise, asi paunomudyisa achabva akuruma zvigunwe, obva azvidya senyama inoperekedza sadza rawamupa. Rima rine madzishe aro, asi kana iwe usingade kuita muranda werima, ramba kumitiswa nekuitiswa nerima. Rima harigare pane chiyedza. Jesu akati “Guta rakavakwa pamusoro pegomo harivanzike.”

Ignatius T. Mabasa munyori wemabhuku uye ari sarungano. Anodzidzisa paUniversity of Zimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey