Uncategorized

Ndakapondwa nababa: Mweya

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Ndakapondwa nababa: Mweya

Kwayedza

Tendai Gutikwa
GURE remurume wekwaMambo Mutasa — uyo anonzi akauraya mwanakomana wake makore matatu adarika, ndokuvharidzira humhondi achiti ainge azviuraya — rinonzi rakazofumurwa nechipoko chemuchakabvu icho chave kuonesa vemhuri iyi pfumvu.

Vemhuri yekwaNyamunokora vanonzi vakazozvipira kufukunura mutumbi wemwanakomana wavo, Joel Nyamunokora, mushure mekunge vaoneswa ndondo nechipoko chake icho chinonzi chinovhurira mombe dzavo mudanga chodzitinha kuti dzinodya muminda yevaridzi munguva dzehusiku, pakati pemamwe manenji ari kuitika.

Asi chakashamisa vanhu vaivepo pakafunurwa mutumbi uyu ndechekuti wainge usina kana kuwora pamwechete nenhumbi idzo Joel akavigwa nadzo.

Mai Marian Chitembwe — vanova amai vaJoel — vanoti chipoko chemwanakomana wavo chinouya kwavari chichigunun’una kuti vakamuviga sembwa kure nemakuva anovigwa vamwe vemunharaunda.
Vanoti chipoko ichi chakashungurudza mhuri yavo musi wavigwa mwanakomana wavo chichiti ainge asina kuzviuraya sezvaitaurwa nababa vake.

Chipoko ichi chinonzi chakati Joel ainge apondwa nababa vake, VaGilbert Nyamunokora, nemusi waZvita 9 mugore ra2017 asi ndokubva vavigiridza humhondi uhu kuti zviite sekunge azviuraya.
Kwemakore matatu, chipoko ichi change chichida kuti mutumbi waJoel ufukunurwe uye wovigwa zvine mutsigo panzvimbo inovigwa vamwe vemunharaunda inogara vabereki vake.

Vakafanobata chigaro chaMambo Mutasa pamwe chete naMutasa District Coordinator, VaTendai Kapenzi, vakatendera kufukunurwa kwemutumbi uyu.

Kwayedza payakashanyira musha wekwaNyamunokora svondo radarika, yakawana vemhuri iyi nevamwe vagari veko vari mushishi kufukunura mutumbi uyu.

Mashoko akawanikwa neKwayedza anoti Joel akavigwa mumashure memaawa
mashoma-shoma achangofa sezvo baba vake vachinzi vaiti ainge azviuraya.

Mai Chitembwe nemwanasikana wavo, Melody Nyamunokora, vanotsinhira kuti chipoko chaJoel chinogunun’una nemavigirwo aakaita.

Vanoti musi wafa Joel, murume wavo anonzi akamutema nechombo chisina kuzivikanwa ndokubva apunzikira pasi uye akazofa mushure memaawa matatu.

“Akatemwa nababa vake apo aive akamira pedyo nenzvimbo yataisukira ndiro. Kana chipoko ichi chauya, chinorovera ndiro dzinenge dziri padara pasi, pobva pabuda ruzha rwunotyisa.
“Dzimwe nguva chipoko ichi chinovhura danga remombe chodzitinhira kuminda yevanhu. Izvi zvinoitika husiku.

“Chipoko ichi chinouya zvakare semoto, chotanga kupisa miti kusvikira kunze kwaedza,” vanodaro Mai Chitembwe apo vaichema vakagara padivi pebhokisi idzva raive nemutumbi wemwanakomana wavo mushure mekunge wafukunurwa.

Kusvika pari zvino, mombe ina dzemhuri yekwaNyamunokora nembudzi dzine chitsama dzinonzi dzakatsikwa nemotokari ndokubva dzafa mushure mekunge gedhi repamusha uyu ravhurwa nenzira isinganzwisisike.

“Kubvira Joel paakavigwa, anogara achiuya kuhope dzangu, achikumbirisa kuti nditaure kunyika yose kuti haana kuzviuraya. Haana kufara nenzvimbo yaakavigwa. Pane dzimwe nguva, akambondipomera kuti ndine chekuita nekufa kwake,” vanodaro Mai Chitembwe.

Vanoenderera mberi: “Handina chekuita nekufa kwake. Hatina kumbobvira taona chinhu icho murume wangu akamurova nacho asi Joel anoramba achiti baba vake ndivo vakamuuraya.

“Mushure mekunge arohwa nababa vake, akatanga kutaura kuti airwadziwa zvikuru nekudivi rekurudyi rwemutsipa wake. Saka takaenda naye kuchipatara cheBonda Mission Hospital uko akafira nenguva dza9 husiku.

“Ropa rakabuda mumhuno make richienda mubhokisi. Rimwe raidonha zvakare richibva mubhokisi pataienda kunomuviga. Zvisinei, munhu wose akashamiswa kuona kuti maive musina ropa rakaoma kana mvura inobuda mumuviri mubhokisi rakavigwa Joel naro apo akafukunurwa.”

Mai Chitembwe vanoti dzimwe nguva moto wechipoko chemwanakomana wavo unopisa murume wavo uyo anobva pamba rungwana-ngwana achienda kubasa.

“Mushure mekunge ndamuudza kuti chipoko chaJoel chiri kuuya kwandiri, Gilbert akati vakafa vanofanirwa kugara nevakafa. Akauraya mwana wangu uye ndiye anofanirwa kupihwa mhosva iyi,” vanodaro vachichema.
Asi VaGilbert Nyamunokora vanorambisisa kuti vari kupiswa nemoto wechipoko ichi uye kuti vakambochiona.
Vanoti havazive kuti sei mutumbi wemwana wavo wakafukurwa muguva uye mushakabvu uyu akazviuraya nekunwa muchetura.

“Handizive kuti sei marangwanda aJoel akafukunurwa. Handina kumbobvira ndauraya mwana wangu. Akanwa muchetura mushure mekunge aregerera mombe dzedu dzichidya mumunda wemuvakidzani wedu.
“Mudzimai wangu akagumbuka nekuti ndakamushora mushure mekunge atengesa chidimbu chemunda wedu ndisina ruzivo nazvo,” vanodaro.

VaGilbert Nyamunokora vanoramba zvakare kuti chipoko chemwana wavo ndicho chiri kukonzera maminimini ari kuitika pamusha pavo.

Melody anotsinhira kuti akaona baba vake vachitema Joel nechimwe chinhu musi waazofa.
“Asati afa, Joel aingoramba achiti baba ndivo vamuuraya. Anouya kuhope dzangu achindibvunza kuti sei ndisina kutaura chokwadi.

“Apa baba vari kutirambidza kuti tiburitse chokwadi chezvakaitika. Vari kuramba vachitaura mashoko avo ekuti Joel akazviuraya, kunove kunyepa,” anodaro Melody.

Maringe netsika dzekwaMutasa, vanhu vanenge vafa nekuzviuraya vanonzi vanovigwa kunze kwenzvimbo yemakuva inovigwa vamwe vemunharaunda chinova chikonzero guva raJoel rakaiswa paro roga musango.

Izvi zvinotsinhirwa nasabhuku wenzvimbo iyi, VaNever Nyamunokora.
Vanoti vanhu vanenge vazviuraya vanovigwa nenhumbi dzavo dzose kuitira kuti pasazowane wemumhuri anobatwawo nemweya wekuda kuzviuraya.

“Sezvamaona nhasi, mukomana uyu akavigwa nenhumbi dzake dzose uye kunze kwemakuva anovigwa vamwe nekuti taifunga kuti akazviuraya,” vanodaro Sabhuku Nyamunokora.

Mutumbi waJoel wakazoendeswa pamusha pevabereki vake apo vanhu vakarara vachichema husiku hwose uye ndokuzovigwa muzuva rakatevera kumarinda anovigwa vamwe vemunharaunda iyi.

Share This:

Sponsored Links